Hurukuro: Tinashe Muchuri Anozeya Nhetembo naLinda Gabriel

Linda Gabriel
Linda Gabriel

Madzimai paanonyora nhetembo dzerudo vanenge vanonetseka kunyora vachinyatsobudisa zvavanonzwa kana vapinda murudo. Memory Chirere anovapa mhosva yekunyora pane imwe nguva savarume kwete samadzimai. Pane kuti ndakadya John vanonyora kuti ‘Ndakadyiwa naSara.’

Zvakadaro zvinoonekwa kuti pane mamwe madzimai anoburitsa zviri kutsi kwemoyo yawo munyaya dzerudo achishandisa rurimi rwechichiRungu. Madzimai akaita saPrimrose Dzenga naEve Nyemba vanonyatsobudisa shuviro dzavo dzavanadzo pamusoro pomurume wavanoda seapo Primrose anofananidza mudiwa wake semudavadi anoridza piyano apo anoti dai amupuruzira zvinyoronyoro semaridzire aanoita piano.

Linda Gabriel mumwe munyori wechidzimai apinda mundima yekunyora zviya zvinonzi zvireve-reve izvo zvinotarisirwa kuva mashoko anotauriranwa navadanani zviya kana vari vaviri muimba yakavanzika. Izvi zvinhu zvinonyenyeredzwa navamwe vanyori vechidzidzimai apo vanonyora nduri dzerudo. Ndakaita hurukuro naLinda Gabriel uyo anozivikanwa nezita reunyanduri rekuti  Poetic Angel maererano nokuti chii chakamusunda kuti anyore nduri idzi uye kuti sezvo atanga kuita hurukuro nenduri idzi pachikuva cheFacebook padandemutande anoda kuti zvisvikepi.

 


 

Tinashe Muchuri (TM): Wakadii hako Linda?

Linda Gabriel (LG): Ndinofara chose.

TM: Tati tikurukure nezvedanho rawatora iri rekudetemba uchinyatsoburitsa zviya zvisinganyotsobatwi navadetembi vechidzimai mururimi rwechiShona, chii chakakutusva kudaro?

LG: Tinashe, zvimwe zvinongouya ufunge. Gore rino chinangwa changu ndechekunyora nhetembo zhinji mururimi rweChiShona. Waiva uri musi weChipiri apo ndakanyora nhetembo yekutanga ndokuikanda pafacebook. Shamwari dzangu dzikawana zvekutaura, musi wechitatu ndakakandazve imwe nhetembo, shamwari dzangu Rudo Chakanyuka  na Patrick Mahlasela vakandikurudzira kuti dai ndaita riri dariro. Ndokutanga kwazvakaita. Uye dzimwe nyaya idzi handikwanise kudzinyora muchingezi, dzinongoda kunyorwa muchiShona ufunge

TM: Maonero ako Linda, chii chinoita kuti vananyanduri varege kunyora nyaya dzakadai dzine chekuita nemudzimba mururimi rwaamai?

LG: Ndovimba munyori mumwe nemumwe anoita sarudzo yezvaanoda kunyora uye kunyora zvaakasununguka nazvo. Ini hangu ndinokwanisa kunyora nezvenyaya idzi.

TM: Makare kwaiva nenduri dzemugudza umo madzimai aiita zvirevereve mukunakidzana navadiwa vavo, iye zvino varume vanotsutsumwa kuti mudzimba yangova mwiromwiro, madzimai mazhinji haachagoni kudetembera vadiwa vavo. Chingava chii chinoita kuti zvidaro?

LG: Ko imiwo varume muchiri kuita madanha here kumadzimai enyu? Chekutanga ini handisati ndava mumba. Chechipiri ini ndakarerwa mumhuri yezvizvarwa zveku Malawi, saka kupindura mubvunzo kunoti netsei, asi ndinofunga kuti kushanduka kuri kuita kurarama kwedu ndiko kunogona kuchikonzera izvi. Parizvino hukama hwana tete nevazukuru vavo hwava hushoma, ndinofunga tete ndivo vaiva nebasa iri, kuudza ini mwanasikana zvinoitwa kana ndava mumba. Dzidziso iyi ichiri kuitika here? Kwete!

TM: Ndima yawatanga iyi, kunyanya nyaya yebarika iyi inogona kukushoresa nevamwe vanoti murume umwe anofanira kumira nemudzimai umwe. Iwe unotii naavo vanodaro uye kana nguva yekushorwa yava kuuya wakaronga kuivhika sei?

LG:  Apa unoreva kushorwa ini saLinda here kana kuti kushorwa kwezviri munhetembo idzi?

TM: Zvose.

LG: Kana kuri kushorwa saLinda, handina zvekuita uye handisi kuzozvidya moyo. Vanhu vanogona kunge vasina kunzwisisa kuti pandinonyora ini ndenge ndiri mumuriri wevamwe vanhu vanenge vari mumamiriro ezvinhu zvakasiyan-siyana.  Munhetembo yebarika iya, ini ndaiburitsawo nyaya dzevamwe dzandinonzwa kwete kuti ini ndinoda barika. Asiwo Tinashe kana vamwe varida, vawirirana iyi inyaya yavo.  Saka vaya vachada kushora vasashora munyori, asi kushora nyaya iri munhetembo.

TM: Ndima yauri kurima iyi ine kurwisana nedzidziso yezvitendero, unoona sei zvitendero zvisingabvumiri madzimai akati wandei?

LG: Apa panoti netsei nekuti dzidziso ndeimwe nyaya, zviri kuitika mukurarama ndeimwe nyaya. Vanhu dzidziso yechitendero chavo vanenge vachiiziva, asi vanoitevedzera here? Changu kunyora zviri kuitika bedzi!

TM: Pane nyaya yediaspora yaunobata mune imwe yenduri dzako: Unoiona sei yevarume vanosiya madzimai kumusha vachiti vanoenda kunoshavira mhuri ivo vozodzoka vava nemamwe madzimai emari yekuwanda iyi vachiramba vavakasiya vavimbisa rugare kumusha?

LG: Iyi inyaya yakaoma, ndosaka ndakainyora kuti ndinzwewo pfungwa dzevamwe. Asiwo kana munhu wawana mumwe zviri nani kusunungura uye waunenge wakasiya kumusha. Uye Tinashe, havasi varume chete, kunewo vakadzi vakawanda vakasiya mhuri dzavo–nyaya dzavo tinodzinzwa uye ndichadzinyora munguva iri kutevera

TM: Mudzimba munei chawaona chakakodzera kuti muitirwe nduri idzi?

LG: Dingindira renduri dzangu parizvino rudo. Ini handisati ndava mumba, apa ndiri kunyora zvinowanikwa murudo nezvinoitika pakudanana mumaonero andinozviita. Vamwewo vane maonero akasiyana.

TM: Pachikuva chepeji yako wakadura pachena kuti uchange uchibata nyaya dzinodzimba vamwe vanhu. Sei wazvipira kudzimba vanhu?

LG: Munduri idzi ini ndiri kunyora nyaya yezviri kuitika muhupenyu hwedu, tisade kuvanza kana kunyepera kuti hazvisi kuitika. Vachadzimbikana regai ndigare ndati ndine hurombo, iniwo sanyanduri ndiri kungonyorawo. Pane imwe nguva chokwadi chinodzimba asi ini hapana wandinopa mhosva. Zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vawanikwe mumamiriro ezvinhu akadai, asi vakawanda vavo kutsvaga ndaramo.

TM: Vamwe vachakuti unokara zvinhu; semunyori unoiona sei nyaya iyi?

LG: Pane asingade here kana mukana uripo? Kumajaji ndinoti vasati vajaja vatange vanzwisisa nyaya yemunhu wacho, vakainzwisisa vozvibvunzawo kuti vari ivo vari panyaya yakadai vaizoita sei?

TM: Vanoverenga vanoti pane madzimai mashoma chose kusvika pari zvino vane zvinyorwa zvakatsikiswa vanonyora zvavanonzwa maererano nenyaya dzerudo, iwe ndokuva wekutanga kunyora mururimi rwechiShona. Muono wako nendima iyi unosvikepi ?

LG: Kutaura kudai tiri mushishi yekuronga – ‘Kuzeya nhetembo naNyanduri Linda Gabriel – Live’, kureva kuti nduri dzatinozeya mukati mevhiki pafesibhuku, ndichange ndichipefoma kune vaoni uye tonzwa kubva kwavari pfungwa dzavo. Tichange tichiita ma live pefomenzi aya munzvimbo dzakasiyana-siyana. Chisuwo changu kuti panoperawo gore ndikwanise kuburitsa bhuku renduri idzi. Kutanga rinenge riri rangu chete. Ndichakokorodza nduri dzese dzandiri kushandisa pa fesibhuku, ndodziisa mubhuku rimwe.

Rimwe renduri dzaLinda Gabriel rinonzi:

Swedera Pedyo Neni

Ko nhai mudiwa.

zvakaipei kana ndikati swedera pedyo neni,

uswedere pedyo kuti undipewo

zvako zviya?

Undibate zvinyoro nyoro,

zvakaporera,

zvinotekenyedza,

zvinozipa,

zvinodakadza,

zvine hunyanzvi!

Nyatsoswedera,

ndoda chipfuva chako chive pane change,

mazamu angu neako ave mapatya,

hana yangu irove pamusoro peyako.

Yorova sendinomhanyiswa,

makumbo nemaoko zvobvunda.

Zvakaipei kana, ndikati swedera pedyo neni

muimba yokubikira,

vana vasipo?

Maoko ako onyatsotamba pamuviri wangu,

uchizevezera nyaya dzerudo munzeve dzangu.

Uchinyatso zuwa kuti uchandiita sei,

ini ndichinyatsoteerera pamwe nekunyerekedzwa.

Saka zvakaipei kana ndikati, swedera pedyo neni

muimba yokugeza.

Ndikukweshe musana,

topupumisa sipo,

undibate muchiuno ndikuvhurire,

undibate ndikutambire?

Titambe chitsvambe nechihwande-hwande chavakuru.

Saka nhai Mudiwa,

zvakaipei kana ndikati, swedera pedyo neni?