Mabhuku Edu Vana Vakazvimiririra Vega, Na Tinashe Muchuri

Front: A.C. Moyo, T.K. Tsodzo, Memory Chirere Back: Shimmer Chinodya, Ignatius Mabasa
Front: A.C. Moyo, T.K. Tsodzo, Memory Chirere Back: Shimmer Chinodya, Ignatius Mabasa

“Mabhuku edu vana vakazvimirira vega. Mumwe nemumwe ane chipo chake chinobuda zvakasiyana nechemumwe,” akadaro Ignatius Tirivangani Mabasa pamutambo wekuparurwa kwebhuku rake retatu ‘Imbwa Yemunhu’ neChishanu, 20 Zvita paNew Ambassador Hotel muguta reHarare. Akataura izvi achiti kazhinji kana munyori aburitsa bhuku vanhu vanenge voda kuyenzanisa mabhuku acho kuti, Imbwa Yemunhu ringava rakaita samapenzi here kana kuti saNdafa Here?

 

 

 

Mutambo wekuparurwa kwebhuku Imbwa Yemunhu waikotsverwa nebepanhau reKwayedza iro rakatora mukana wekupa mubairo kuvadzidzi vekuzvikoro vainge vakunda mumakwikwi ekunyora nhetembo mururimi rwaamai. Makwikwi eDetembai Tinzwe anokurudzira vadzidzi vekuzvikoro zvepuraimari pamwe nevekusekondari kunyora nhetembo dzichizotsikiswa muKwayedza svondo rega-rega. Svondo rega-rega kunotsikiswa nhetembo imwechete inopiwa mubairo. Kupera kwekotoro yega-yega vadzidzi vakakunda vanopiwa mibairo pagungano rinorongwa nevatsikisi veKwayedza. Kubvumbi, Chikunguru naZvita ndiyo mwedzi inenge ichipiwa vakakunda kunyora nhetembo ava mibairo yavo.

Ignatius Mabasa na VaShamba, mupepeti weKwayedza
Ignatius Mabasa na VaShamba, mupepeti weKwayedza

Vachitaura pamutambo uyu mupepeti weKwayedza, VaShamba vakati ongororo yakaitwa inoratidza kuti vana vanogona rurimi rwaamai apo vanenge vachiri kupuraimari kusvika mufomu yekutanga neyechipiri kusekondari asi vozodzikira kana vava kuenda kuzvidzidzo zvemberi kusekondari. Vakati ivo sebepanhau rinokurudzira kushandiswa kwemutauro wechiShona vakaona zvakakodzera kutsvaka chikwezvo chinokwevera vana mukuda kushandisa mutauro waamai. “Takaona kuti zvakanaka kuti makwikwi anoita kuti mwana ave neshungu isu tozomupawo mubairo muduku kupembedza shungu dzake.” VaShamba vakakurudzirawo vabereki kuti vabatsirane nevana vavo mundima yekusumudzira mutauro iyi.
Mabasa sembongorori yenhetembo mumakwikwi aya akakurudzira veKwayedza kuti vaitire vana vanenge vakunda, zvidzidzo zvekunyora nhetembo kuitira kuti vagogona kuvandudza kunyora kwavo. “Vana havazowani nguva yekuverenga mhenenguro dzenhetembo dzavo vafarisa kuti vabudiswa mupepa reKwayedza. Vamwe ndinovati dzokorora nhetembo yako ugozotumirazve asi handizodzioni,” akadaro Mabasa.

Nerake bhuku, Imbwa yeMunhu
Nerake bhuku, Imbwa yeMunhu

Akazokurudzirawo vadzidzisi kuti vabatsire vana vavo kukwenenzvera nhetembo dzavo. “Vadzidzisi batsirai vana venyu kuti vafarire kukwenenzvera nhetembo dzavo kusvika dzasvika ipo chaipo. Vana vari kutumira nhetembo dzisina kunyatsopanguchuwetwa. Handizivi pekutura befu, kumira, kukanuka kana kubvunza mubvunzo kunyange zvose izvi zvirimo mudetembo. Iri ndiro dambudziko guru chose. Imwe nyaya iri pakunetseka kushandisa va na wa kuvana.”

 

 

Mabasa akazokurudzirawo vana kuti vasanzwa nungo kuverenga zvakanyorwa navamwe vanyori achiti, “Verengai kusvika maziso adonha. Kana adonha anongei mudzorere pekare muenderere mberi muchiverenga.”

Mabasa akazobatawo nyaya inogaronetsa vanyori vechidiki iyo yekubirwa nyaya dzavo dzichizoburitswa navanyori vava nemukurumbira achiti, “Nyaya hadziperi chinopera mataurirwe adzo. Vana muri kuita nungo dzokuendrera mberi. Angonyora detembo rimwe zvatokwana. Kunyora rwendo. Rambai muchinyora muchiverenga kusvika mava kunzwisisa kuti zvamira zvakanaka. Munosvika. Zvinorwadza kuti vaya vatainge tawana tichiti ndivo vachasumudzira mutauro mune ramangwana tozovashaya zvakare.”

 

Mwana weGrade 7 achitambira mubairo
Mwana weGrade 7 achitambira mubairo

Apedza kutaura nezvekunyora kwevana Mabasa akabva aparura bhuku rake Imbwa Yemunhu. Achiparura bhuku iri akaverenga zvishomanini pakutanga kwebhuku Musa achikungura. Akazoverengazve kubva papeji 11 kusvika papeji 12 apo pane chikamu apo Musa anenge achitaura nemudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika uyo anoti, “Kana muchinyora muri maporofita enyika, muri varapi venyika. Ndimi anachiremba nevadzidzisi venyika, asi kana mukaita basa renyu nekuda kuonererwa hamubatsire nyika. Vana muzvikoro vanofanira kudzidziswa nemi. Kana tese tafa, kunosara makuva nenyaya dzakanyorwa nevanyori. Makuva haataure kana kutsanangura chinhu, asi zvakanyorwa nevanyori zvinosara zvichidzidzisa nekunongedzera nyika nzira yekufamba nayo. Saka vanyori muri hurumende, kana zvamunonyora zviri zvinhu zvine musoro.”

 

Mutambo uyu wakava chiitiko chisingawanzoitika nyore kusanganisa vanyori vane mukurumbira vanoti, Thompson Kumbirai Tsodzo, Shimmer Chinodya, Aaron Chiundura Moyo, Memory Chirere uye vanyori vechidiki vaisanganisira Lawrance Hoba, Conarth Macheka naElizabeth Muchemwa.

 

vana vechikoro nevadzidzi vavo vanga vavinga mibairo yeKwayedza
vana vechikoro nevadzidzi vavo vanga vavinga mibairo yeKwayedza

Vana vanosvika makumi maviri vakawana mibairo yekunyora nhetembo vaviri vavo vanoti Anna Mazvimba uyo ange achiita zvidzidzo zvefomu yechipiri paMutoko Central High School kwaMutoko naBelinda Theresa Mukubvu uyo aiita zvidzizdo zvefomu yekutanga paNyahuni Adventist High School kwaMurewa vakawana mibairo miviri. Vana vose vakakunda mumakwikwi aya vaipiwa mubairo wemabhuku ekunyorera, zvekunyoresa pamwe nebhuku raMabasa, Imbwa Yemunhu.

 

 

 

Anna Mazvimba akati iye akatanga zvekufarira kunyora nhetembo mushure mekunge mudzidzisi wake weGiredhi 2, Madam Nyarai vamudzidzisa kuita detembo pamberi pavanhu. Kubvira ipapo haana kuzodzokera shure. Anoti zvakare anowanawo kurudziro kubva kuna mai vake, Constance Mazvimba avo vaivapowo pachiitiko ichi vachitsigira mwana wavo. Mai Mazvimba vakati vanokurudzira mwana wavo kuti anyore nechiShona kuitita kuti vana vagare vachiziva tsika nehunhu hwavo.

Belinda Theresa Mukubvu akatiwo aifarira kunyora chiShona kuti asumudzire rurimi rwaamai kuti rusafa. Shuviro yake anoti, “Ndinoda kuzova munyori wemabhuku pamwe nenhetembo.”

Blessing Masuka anga achiita zvidzidzo zvefomu 5 paGokomere High School uyo anoti akawana mubairo wekunyora nhetembo muna Chikunguru akati kunyange zvazvo achiita zvidzidzo zvesainzi anofarira kunyora uye mai vake vanofarira kuverenga mabhuku echiShona uye ndiko kwakabva kurudziro yake. Apa ainge auyawo kuzotambira mubairo wehanzvadzi yake, Applaude Masuka uyo anova umwe wevakawana mubairo. Pamutambo uyu Blessing akazviwanira mubairo mushure mekunge agona kupindura kuti ndiyani munyori akanyora bhuku rinodaidzwa nekuti Mudhuri Murefurefu.


muchuriTinashe Muchuri is a Zimbabwean author, journalist and storyteller. He enjoys reading and writing. His poems are published in Jakwara reNhetembo (2008), State of the Nation: Contemporary Zimbabwean Poetry (2009), War Against War (2010), Visions of Motherland (2010), Daybreak (2010), Defiled Sacredness (2010), Mudengu Munei (2010) and in several college and international journals.  He has appeared in  Zimbabwean feature and short films like Tanyaradzwa, I want A Wedding Dress, NyamiNyami, Playing Warriors, and The Husband. He performed at Intwasa Arts Festival koBulawayo, Dzimbahwe Arts Festival, Chimanimani Arts Festival, Arts Alive International Johannesburg, SADC Poetry Festival in Botswana and Harare International Arts Festival.

Leave a Reply