Sarungano Ignatius Tirivangani Mabasa vanotandara naTinashe Muchuri vachitaura ngano

mabasa                                                   Ino ihurukuro yandakaita naMukanya ava Ignatius Tirivangani Mabasa iri tinashemuchuripamusoro penyaya yekutaura ngano, kutaura nyaya dzedu savanhu. Hurukuro ino ndakaisiya ichiradanuka nengari yekuti ndaida kuti kukurukura kwavanhu muchivanhu kunyatsobuda pachena zvakajeka. Muhurukuro ino ndinovimba umwe neumwe achaiverenga achanongawo zano rimwe naiye agozotambidzawo vamwe zano rimwe. Ndiyo nhakazve—unotambidzwa kuti ugotambidzawo. Hakuna anofanira kuramba akabatirira kunhaka yavanhu asingaipi kurudzi runouya kuti rugoitambidza yavandudzwawo. Pano taitambidza, zvava kumuverengi kuidzeya nekuitambidzawo. Hurukuro ino yakatora nzvimbo muSculpture Garden panharaunda yeNational Gallery of Zimbabwe apo Mabasa ainge achangopedza kuitira ngano vana vemarudzi akasiyana-siyana navabereki vavo panzvimbo yeNational Gallery of Zimbabwe. Musi iwoyu vainge vabva kubatsirana mune zvengano izvi naRutendo Tapiwa uyo ari kunguno taurwa muhurukuro ino nezita rekuti MaMoyo nekuti muera Moyo.

 

Tinashe Muchuri (TM): Tingada kuziva kuti zvakauya sei kwamuri izvozvi zvekutaura ngano izvi uye chii chakusundai kuti imi semunhu mude kana kuti muone zvakafanira kuti munge muchitaura ngano kuvana uye muchishandisa rurimi rwaamai?

 

Ignatius Mabas (IG): Kungoedza kubvisa kutya kuri muvanhu. Hazvikwanisike kana ngano, kana kuti but you can create stories from anything and nothing. Chekutanga sekutaura kwandinowanzoita, ndakatanga kutaura ngano ndisati ndaakuenda kuchikoro. Ndokuzosara ndoenda kuchikoro, asi mandiri makanga matodyarwa ngano nambuya dzakawandisa. Zvekuti ndichizosara ndosvika kuchikoro, ndaive munhu aifarira pose paingoverengwa mabhuku zvinechekuita nekuverenga kunotaura nyaya. Zvekuti ndichiri kurangarira ndochinhu chakanyanyondikwezva kuda bhaibheri zvakanyanyanyisa nekuti ndaive ndisina imwe literature; sekuru vakanga vachindiverengesa nyaya dzana Bharaki nana Bharami ndotowana a-a mune nyaya dzinotonakidza umu. Saka pandakazotangawo kuenda kuchikoro zvokukwanisawo kuchiziva kuti, kunonyorwa nyaya, ndakabva ndaona kuti hwaro hwandakanga ndapihwa hwakanga huchindibatsira zvakanyanyisa nekuti ndakanga ndakanga ndisisaite sekuti ndiri mwana ari kutambudzika kuti nditaure ngano kana kutaura nyaya. Asi ndikangonzi nyora rondedzero yezvakati zvaingobuda ende zvichibuda umwe mubudire unoshamisa. Saka ndakaona kuti hwaro ihwohwu nyangwe ndakaze ndaamunhu anonzi Mabasa anonyora mabhuku, akanyora Mapenzi, nanani nanani, kwandiri ngano, dzinongoramba dziri chinhu chitinobata nekubatsira kudarika mabhuku. Chinhu chiri nyore kuita, chinhu chiri ny’ore kuti vamwe vachiite, ndinodaro nekuti kunyora kunonzi nevamwe ha-a ndakamirira publisher wangu kuti ambotanga adai ha-a ndikazowana anonditaipira zvichazodai asi ngano tinogona kuti tasangana panokwirirwa mabhazi, ndotaura ngano yangu, imi monditaurirawo ngano yenyu. Ndatoverenga mabhuku maviri panguva dikidiki. Ndakubvisai munzvimbo yamajaira ndichikuendesaiwo kune imwe nzvimbo itsva ichakuitai kuti muti a-a! Ndandisina kumbozvifunga izvi. Musi uno uyu wataikurukura, a-a, aivepo here uyu, ndakaze ndototi ndafunga zvino ndava kundoshandisa nyaya yangu zvino iya yandaikuudzai yamakze mondipawo muenzaniso wamudhara vatonona panzvimbo isingatenderwi. Kusiyana kwemabhuku, mabhuku anotyisa kuvanhu vedu, mabhuku anoita sekuti anoita nenyaya yechikoro, ane chekuita nekudzidza kwakanyanyisa. Hachisi chinhu chaungangoverenga usina kunzi verengera zama kana kuti! Saka kuedza neimwe nzira kuti tishandise zvatiinazvo uye zviri zvinhu zvinonobatsira vana vedu nevanhu vakuru kuti tigone kudzidza zvataiita kare izvozvo zvokukurukura pamusoro pezvinhu. Nhaimi, unhu hwashumba uhu munohuona sei, ndipo paya pamunozoona tine taa kuti, “MaMoyo unoda kuzviita tsuro magen’a  ka!” Handisi kukuti unoziva mungano, tsuro akangwara sitereki achinyengedza vamwe aa. Ndikangokuti, “Sakai we unoda kuzviita tsuro magen’a,” dimikira iroro watorinzwa ukatonzwisisa zvandataura. Zvichakupa kuti  ufunge kuti ho-o horaiti, kwavaenda manje vadzokera kunyaya dzehukuruku nehumenemene nekushandisa manomano kwatsuro saka vazviona zvandiri kuda kuita pano kuti hazvina kunyatsojeka saka nepapfupi tiri kungoti ngano dzedu chadziri kundiitira ini mazuva ano ndichechi chekuti tiri kuchema nezvakawanda asi ingano dzekuti hatina chingatitadzise. Inzira iri nyore uye inokurumidza kutaura nyaya pane kumirira bhuku, pane kumirira kuti zvakati, tinogona kutaura nyaya iko zvino ikatobva yanakidza ikatidzidzisa ikatiendesa kumwe kunhu ikatisiya taa pane zvimwe zvinhu pane kumirira kuti Muchuri ngaanyore bhuku, ngarieditwe, rapedza kueditwa, ngaripurifuridhwe rapedza kupururidhwa ngatichitsvagai kuti kavha yebhuku iri inganzi chii, kana ichinge yapera rakuprindwa, kana rapirindwa, rodzorerwa kumapirinda nekuti pane mamisiteki akawandisa. Kana radzoserwa, rozo rozo rozo zvozodini?

 

TM: Vanhu vazhinji tiri kutiza kuzvinhu zvanga zvisiri zvedu. Imi mukutaura ngano umu vazhinji vari kukutambirai sei kana kuti vari kuzvitambira sei ivo vava vanhu vanosangana kana kutorerwa nguva nezvinhu zvakawanda zvakaita sezvivhitivhiti, mafirimu nezvimwe zvinowanikwa padandemutande?

 

I.G:      Vazhinji vari kushamisika nekuti vari kuti a-a, zvamuri kuita izvi, tiri kufunga kuti zvinhu zvinofanira kunge zvichiitwa nevanhu vakawanda. Wonzwa umwe achiti, inini dzanga dzingori shungu neshuviro kuti dai pawanawo munhu anoitira vana vangu ngano. Saka vanhu vari kuona kuti ngano dzavakanga vachiudzwa vachikura vasati vazokombwa nezvaako zvinopa ruzivo angave mabhuku, mafoni, makombiyuta, maTV nei. Varikuona inyika ine zvainoita nekuti ngano hadzingove dzekuteerera chete woti, dzinokupa kufunga, dzinokupa kuziva, dzinokupa hunhu hunotarisirwa muvanhu, dzinokupa kuti unzwisise magariro akanaka, dzinokubatsira kuti ungoumbika ugone newewo kungozotaura nyangwe pemberi pevanhu nekuti ndicho chimwe chaakunetsa, munyika dzatiri kuzvigadzirira nevana vedu mazuva ano dzekuti tinogara takaisa maearphones munzeve, kureva kuti hatinei nezvirikuitika mune zvakatikomberedza, hatinei nekunzwa zviri kuitika kumunhu wandakagara naye, nekuti inini nyika yangu yandiri kuda inyika iri munzeve dzangu yandavhura, ine zvandiri kunzwa. Saka kuedza kudzosera munhu kuvanhu, kuburikidza nengano. Kuedza kudzosera munhu kuvanhu kuti arangarire kuti a-a, munhu munhu nevanhu nhai, kwete kuti munhu munhu nemagadgets ake, nekuti sarungano haangave sarungano kana asina vanhu vanoterera ngano. Sarungano haangave sarungano kana asina hurukuro nyaya dzake dzisingabate zvinoitika mumararamiro nemagaririro evanhu. Saka chine chakudiwa kuti vanhu vasvinure vatarise kuti chii chiri kuitika munyika yakatikomberedza. Ukaonawo wozonzwa tikataura nyaya yemukomana anoti a-a, “Ini ndakaona kuti Stephen paakadzoka, kubva kwaakanga aenda kundoshava akadzoka aine zvino nezvino nezvino ndikati neniwo rega ndisimuke.” Kune vazhinji vane vatonzwa kuti a-a, tinozviita mhani! Kungotiwo rega nditeedzere nhingi, asi hupfumi chaihwo huri kupi? Huri mukutsvaga here zviri kukoko? Kana kuti iwe unogonawo kuzvigadzirira hupfumi hwako, zvinhu zvako zvikabuda nemamwe mabudiro? E-e, tichingofamba nenzira dzakadaro. E-e.

 

TM: Vadzidzisi, vabereki naivo vana pachezvavo vanozviona sei. Tikatarira iye zvino izvi vana vanosangana nemakatuni, vanosangana nemafimu mamwe avanoratidzwa nezvimwe zvakasiyana-siyana, vanozvitorawo zvakadini?

 

IG:       Vadzidzisi vari kunyanya kufara zvakanyanyisa chikonzero, vanoti ivo ngano kudzidzisa, kana kuti ngano inzira (ndiko kana mava kutaura mateaching methodologies) vanoti inzira yekudzidzisa isingamanikidzire mwana kuti ati ndinofanirwa kukirema, ndinofanirwa kuti ndashungurudzika kuti ndingadii nekuti, ukati, “Paivapo, tsuro nagudo. Vakafunga kufamba rwendo. Asi vakatsvaga mbuva yekuti vafambe vachidya.” Ndatsanangura rimwe izwi rinoomera vana rikange razongouya riri rega. Ndikabvunza kuti mbuva chii? Mwana anokwenya musoro asi ndikati tsuro nagudo vakafunga kufamba rwendo ndokutsvaka mbuva yekuti vafambe vachidya zvichabatsira mwana kuti ati a-a, kwanza vakatsvaka mbuva saka mbuva kudya, hachingave chimwe chinhu, kudya ende mbuva haisi mbeva nekuti ndozvinhu zvava kuzviringidza vana vedu. Tunhu twakapusapusa twekuti ndikati ndiudze mutsauko uri pakati pembeva nembuva, nembiya kana chii unoona anodzungaira akakutarisa. Saka ticha kana kuti vadzidzisi vava kuona kuti ngano dzinobatsira kusunungura vana kuti vanzwe kuti tirikunakidzwa asi panguva imwechete tichidzidza. Zvino zvinovabatsira nekuti kudzidza mutauro weChiShona raita dambudziko muzvikoro nekuda kwekuti vana vedu nguva zhinji tiri kutaura navo neChiRungu, nguva zhinji vari kuona zveChiRungu saka kuti vachiwana zvino mukana nekuti VaMuchuri imimi chamusingataure hamugone kuzochigashira kana chaakubva kune rimwe divi saka kana musingataure mutauro wenyu, musingataure rurimi rwaamai mumba menyu kana rukange rwodzidziswa kuchikoro hamurugashire muchiti nekuti mutauro wangu nekuti makagara marwusarudza mukarwusema kare. Zvino rukagare rwavepo, vana varwugashira vadzidzisi vabatsirikana. Pane zvizhinji zvinongochiendekawo. Hatisi kuti isu vanhu ngavadzokere kundopfeka nhembe vachiita zvaiitwa chinyakare nekuti, tsika nemagariro kana kuti culture isingadaire kuzvinhu zvinenge zvichiitika shanduko dzinenge dzichiuya inongoramba yakaomerera pazvinhu zvayo inofa. Asi culture inotaura kuti a-a, imi kwava nezvakati, saka isu tozviitawo sei kuti tirambe tichipfuurira mberi neculture yedu asi tisingasarire kumashure zvekuti vanhu vanozosara voti ko imi maivepiko zvese izvi zviri kuitika zvichiitika? Ngatifambiranei nenguva, asi panguva imwe chete kufambirana nenguva kwedu kuchitiita kuti tirambe takabata tunhu twedu.

 

TM: Pamasvika ipapo panobva paita kuti ndifarire kuda kunzwa nhau yekuti sezvo imi muchiti kufambirana nenguva, kufambirana nenguva ndiko kwakatinakira, iye zvino tinoona kuti taatichitaura nyaya dzamafirimu tinoona kuti tanga tichitaura nyaya dzamakatuni, saka imiwo sasarungano chii chamuri kuitawo chinoita kuti vana vazosangana nengano idzodzi idzi panzvimbo dzakaita sematerevhizheni kuitira kuti vagoziva pane kuti vangoramba vachiona zvinounzwa nedzimwe tsika nemagariro ekune dzimwe nyika?

 

IG:       Ndizvozvo, nhamo yatinayo ndeyekugunun’una nekuchema tichingoti isusu tiri kupedzerwa nzvimbo, tiri kushauswa mazwi pangave painternet kana pane zvinoitika asi tadaro tichigunun’una kudaro, ukabvunza vazhinji vari kugunun’una kudaro kuti ko muri kuitei nazvo vanongoti, “ha-a zvinhu zvacho zvakaoma zvinonetsa. Saka ini semunhu ari mundima iyoyo, ndiri kunyora ngano dzacho. Handichangoti ngadziperere pakutaura, kunyora kwaakudzibatsita kuti dzisarasike. Ndiri kudzinyora, uye ndadzinyora dzichawanikwa dzava mumabhuku akadhindwa, dzigowanikwa mumabhuku amunoti mae-books, dzigozowanikwa zvakare ari mabhaisikopo, kana kuti mafirimu kana kuti mavhidhiyo pandinenge ndakabata bhuku rengano ndichiverenga, panguva imwe chete muchiona pachiuya illustration, ndiyo mifananidzoka iyo? Pouya illuystration, ini ndichiverenga, “paivapo tsuro nagudo”, mobva maunzirwa tsuro nagudo vaya. “Vakafunga kuti vaende kunoraura hove kurwizi.” Movaona vari kufamba. “Vasvika kurwizi,” Ndakukuratidzai illustration vari parwizi, mava parwizi vakabata zvirauro zvavo vana vochibvunza kuti ko, izvi zvii? Maakuvataurira kuti,  chirauro kana kuti ndo chinonzi chiredzo ka ichi chekuredzesa hove, woredza, wobata hove yako. Chiredzo handiti, tichifamba tichidaro, tichidaro. Saka kuedza kupinda muzvinoshandiswa zvacho kuti imomowo tisangove vanhu vokuchema asi kuti titaure kuti nesuwo tine zvinhu zvedu zvirimo. Kana pane vari kutsvakawo ngano vachadzinzwa. Kana mukainda paSound Cloud iye zvino mukasecha, munowana ngano dzandakaisawo ipapo, paYutube ndine zvishomawo zvandakaisa ipapo, izvi zvandiri kugadzira zvikapera, zvimwe zvacho ndichaisa paYutube zvakare. Kuedza kuti nyika yedu ingotiwo o-o, zviite zvakanaka.

 

TM: Kureva kuti maakuita kuti vana vakwanise kuzowana ngano idzi kana mataurirwe engano panzvimbo dzekufambiswa kwamashoko kwamazuva ano?

 

IG:       Ndizvozvo chaizvo. Mafoni vava kukwanisawo kuti vakabata foni havachangonzwa pachitaurwa magemu kana pachidii zvisinei asi akukwanisawo kuti a-a, ndiri kunzwa kuti tora nzungu uise mugaba. Watadza! Harisi gaba iroro waisa nzungu mutswanda. Ndati tora nzungu uise pakati, isa muduri. Osumudza, odzibata nenhingirikiri zvavanoita zviya izvi kana agona oombererwa maoko. “Waita! Wagona. Waisa nzungu muduri.” Chitora guyo, pane zvizhinji zvine zvakayanikwaka apo. Pamwe obva atora chitorobho. Moti, kwete ichocho chawatora chitorobho harisi guyo. E-e zvichifamba zvakadaro.

 

TM: Tiri ipapo zvekare, tingada kuziva kuti VaMabasa vane vamwe vavanoshanda navo here. Kana kuti vavanokurudzira kuti ndima ikure yekutaura ngano iyi?

 

IG:       Ishungu dzangu pari zvino kuti dai tagona kuzadzisa hurukuro yandiri kungogara ndichingoita naVaChifunyise yekuti tigone kutanga Storytelling Network yedu muZimbabwe. Tine vanasarungano vazhinji kunze uko vari kudawo kutaura ngano ende ndiwo mufambire wazvinotoita iwowo kuti tikange tawana kuti taformaliser network iyeyi yava kuzivikanwa kuti yavepo tinogonawo kupota tichiti kamwe chete pamwedzi tosangana toti vane ngano, nhasi tichanzwawo ngano dzekuChipinge, tigonzwawo ngano dzevava, dzevava, tichidzitora kana tichidziisa paYoutube, zvichidawo nerimwe zuva tinozokwanisawo kuwana funding yokutiwo tinochikwanisa kuti a-a, uya akataura ngano yake musi uya, tlomubatisawo kaanowana. Takuchiitawo kuti vanhu vave nechidokwadokwa, taakuchiita bhanga rengano dzaakuwanda. Wotozonzwa umwe munhu achitaura kuti ha-a, ndiri kuda kuti ndiende ndimbondotarira ngano dzinonakidza, iye zvino, nhasi tanga tichinzwa ngano yakadai, ha-a iyo takamboinzwa gore rakapera. Kwakuchidziunganidza dzichiwanda. Saka hurukuro iyi takaiita hongu asi nemhaka yekuti ndine zvandiri kuda kumbopedzisa, Ndinovimba kuti ndikapedzisa, ndine ndava nemukana kuti tichiti, “Nhai VaChifunyise tozvifambisa sei kuti vanasarungano vandinoziva, kunyangwe vanaMuchuri ivava vane ngano dzavanoziva saanasarungano, todziita sei kuti tiite kuti zvinhu zvedu zvifambe.

 

TM: Idzo nyaya dzetinongoti ngano idzi, Chii chinombori mungano zveshuwa chinganzi zveshuwa munhu angatosiya kanawo nebjhachi sezvandaona nhasi, ndaona vanhu vanga vakawanda mugallery umo vachida kunzwa kuti VaMabasa vari kutaura ngano dzei vakatoungana, kwete vanhu verudzi rumwe chete, ndaona vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakaunganira VaMabasa vachitaura ngano. Chii chimbori mungano chinoita kuti vanhu vemarudzi ese ese vade kuunganira vachdzinzwa?

 

IG:       Kune vanhu vanoziva kubatsirikana kunoita vana nevanhuwo nje. Ngano dzinodzidzisa kutererea, dzigodzidzisa kunzwa nekunzwisisa, zvinhu zvakasiyana izvozvo nekuti, nekuti munogona kuti, Tinashe simuka, oramba akagara. Ngano dzinonobata zvinhu zvakadaro. Ndopaya paunonzwa tunhu twakasiyana, saka ngano dzinotipa mukana wekusangana nezvakasiyana-siyana zvinosanganikwa nazvo muupenyu. Dzigotipazve dzidziso yekuti zvinhu izvozvo zvinogadziriswa sei. Dzigotipazve mukana wekuti kana tichinge tiri vanhu vanonzwa ngano, tikange tabva pakuteerera ngano tapinda muukugarisana nevanhu tave vanhu vanekunzwisisa kunodarika vasinganzwe ngano nekuti vasinganwe ngano zvichida vari kuona mafirimu ekupfurana nepfuti, zvisina chazvinobetsera nekuti isu takakura tichiziva kuti chinokura chichirwa ingwe, saka tikange tofarira nekungopembedza mafirimu epfuti, vanhu vachipfurana vachipfurana, chatadzidza chaicho chii? Asi mungano, mune kurwa asi hamusiiwi makadaro, mune makakatanwa asi haasiiwi akadaro, ngano zvino dzaakuchienda kunopa mazano ekuti kana paine makakatanwa anogadziriswa sei. Kana paine kupesana kunogadziriswa sei. Dzinopa mukana wekuti ngatikurukure pamusoro pezviri kunetsa izvi. Dzinopawo mazano kune vakaomerwa kuti  a-a, saka kana zvichidai saka zvinozogadziriswa sei? Ho-o paye paye zvikanzi zvinodai zvikadai zvikabva zvakagadziriswa nenzira iyi. A-a, munhu adzidza. Saka ngano chikoro chisina madziro, chisina choko. chinodzidzisa upenyu kuti munhu agokwanisa kuti  akanzwa kuti kune ngano anonzwa kuti kana ndikabvisa bhachi rangu ndikamhanya ndikandotererawo, zvikuru ivo vachena, ndivo vanonyanya kunzwisisa muchiona vachizvifarira. Vanoziva kuti ngano dzinopa, Kana mukabvunza MaMoyo anoshanda navana vadiki anoziva, inonzi chii muChiRungu MaMoyo? Where you have situations you tell a story, so ngano dzinopa maopportunities okuita hurukuro. Ndiri kuti kudii, pane nyaya yanga ichindinetsa kuti nditaure naye, but nyaya iyi yataurwa mungano ndochiti ini sehurukuro a-a, zviye zvaitwa paya paya wazvionawo sei? Uye oti a-a ininika, maonere andazviita zvanga zvakadai zvakadai, ini ndoti a-a unoziva kuti paye musi uye pawakadai, ini ndanga ndichifunga kuti ndonyaya dziri kutaurika idzi saka pavhurwa mikova nemikana yekuti tikurukure pamusoro pezvimwe zvinhu zviri kuitika zvisati zviri mungano chete, ndiri kushaya word reChiRungu, munoriti kudiiko, pane word reChiRungu rsamunoshandisa pane pavhurika tumikana itwotwo. E-e zvinotibatsira kuti tione mikana yekukurumidza kutaura nyaya. Ya-a, kuba kwakaipa, wazviona zvaitika payapaya, saka ndichi ukasiirwa zvinhu zvemunhu chengeta usabate Pamwe ndataura ngano yekachembere kakasiiwa kanzi ndichengetereiwo bhegi rangu musavhure, Iyo ndichatoitaura Svondo rinouya. Ndinoida fani ngano iyoyo. Ndichengeterewo bhegi rangu musavhura ndichamboinda paseri apo. Ha-a, MaMoyo asara atarisa bhegi riye amboedza kurifunhidza anzwe kuti chii? Amboedza kurisimudza ati a-a riri kuremerera. Amboedza kuri batabata ati munenge mune chinhu chine makonakona, chimbori chii? Pedzisire avhura change chirimo chabuda uye obva adzoka, oti, “MaMoyo, ndadzoka. Ndipe bhegi rangu. MaMoyo woti, “a-a zviripi ndasara ndikarivhura.”  Uya woti, “Manga mune huku yangu imomo.” Zvonzi, “Zvechokwadi yabuda ikatiza.” Zvonzi, “Zvakanaka ndaakutora nguruve yako iyo ndiise musaga nekuti ini ndiri kufanirwa kuenda iwe waburitsa ini ndakuti chengeta. Ndosimuka ndakuenda hangu. Ndosvika pamwe ndotambirwa zvakare. Ndichamboinda paseri apo sarai makandichengetera saga.” Zviri kuramba zvichingoitika zviri kungoitika nekuti mumunhu mune mweya wekuda kuziva kuti chii chiri mukati. Asi tatodzidza zvakawanda, kubva panyaya yekuda kuziva kuti mukati munei.

 

TM: Tanga tichida tichidawo kunzwa kwamuri. Tinoona kuti kutaura ngano kwanakira izvi nezvezvo sekutsanangura kwamaita. Asi tine imwe nyaya yekuti kune vanofanira kunge vachifambisa mashoko ekutaura ngano ikoku, kuti vanhu kwavari nekwavari vakurudzirwe kuti vagone kutaura ngano vakaita savanhu vekumaterevhizheni, vakaita savanhu vekumapepa ndedzipiwo kurudziro dzamungavapa vanhu vakaita saivava kana kuti ndeipiwo nyaya yamungada kukurukura navo vanhu vakaita saivavo kuti vakwanise kufambisa shoko rakadzama kudai?

 

IG:       A-a, vari kuzama asi chimwe zvakare chandakaona ndechekuti kana tikasave nekunzwisisa chinangwa vanongozvitorewo sechinhu chiri kungoitikawo seevent asi isu kwatiri haisi event iri kupfuura, chinhu chatiri kuedza kuti chive permanent. Chigare chichiwanikwa nguva dzose muvanhu, muhunhu hwedu, mukurarama, mukudzidzisa vana, mukudiidii. Saka zvazvinenge zvoda kwave kutiwo, zvakakosha saizvozvi, kufanana nekupihwa kunoitwa mukana kana tomboti kana vanaFred Zindi muHerald vachingonyora nezvemimhanzi nezvemimhanzi zvinokwanisawo kuitika. asi ngazvirege kuwanikwa muprint nekuti vanhu vedu vane nungo dzekuverenga. Ndipo panouyawo materevhizheni. Ngavachirega kungoti VaMuchuri zvino, tanzwa kuti madii zvobva zvapfuura. Ngavape mapurogiramusi anogara aripo nguva nenguva kanawo vakati ha-a, kamwe chete zvako pasvondo, zvitibatsire. Tigone kuti ngano yaitwa naVaMuchuri, togona kuti, inenge yatove purogiramu, pamwe ndozvazvichida kutaura MaMoyo. Ngano yaitwa naMuchuri, hatichangoti Muchuri aita ngano ha-a muuchirirei ngatisimuke tiende. Taakuchitanga kupinda mungano zvino, vane pfungwa dzinodenha voti, “Saka madzidzei mungano iyoyi, yanga iri ngano isina chidzidzo iyi kwanga kungori kuhukura uku, kuhukura kweimbwa iri kuhukura nzou?” Vamwe voti, “A-a kwete marasika, paya panzi zvakati zvakati, ini ndadenhwa mukuti mukuti. Ngano iyi yandiitira zvakanaka mukuti mukuti. Ndinoona kuti inogona kutodzidzisa mukugadzirisa matambudziko atiri kusangana nawo mugariro ezvakati nezvakati, taakufamba. Ndine ngano imwe yandinotaura, ngano zhnji ndaakugadzira ndega. Shumba anosvika kumba kwatsuro. E-e akadhakwa, owana vachibika sadza. Obva avati kurumidzai kubika sadza. ane zvaasvuta zvamuvhiringidza. Mai tsuro voti ha-a ndinopakura, sadza ranga risinganyimweka kare. “Ndinopakura izvozvi garai garai.” Shumba ogara. Sadza ropakurwa shumba odya sadza rese. Anodya raapakurirwa, agodya ranga rasiirwa tsuro asipo. Agodya revana kusvika ava vavakupopota kuti zvino, kana maakuita hunhu hwakadai huchiri hunhu here? Asi anga achiti ndine nzara. ava voda kumudzivisa opedzisira ati ndava kuzokurovai. Ava votizira kumba yavo yekurara. Haifanirwi kunge ichipindwa. Uyu haachaziva muganho nekuda kwezvaaputa otevera ikoko. Asvika ikoko obva avata nekuti ane zvamuvhiringidza. Obva apfeka masokisi aawana imomo. Masokisi atsuro. Tsuro achizosvika, mudzimai watsuro paaona kuti ava varara, vobuda vaakumirira baba kuti vasvike. Tsuro anobva angosvikira uku owana shumba akarara pamubhedha wake akapfeka masokisi ake. Munoitanga sei, mai tsuro vanoitsanangura vachiti kudini?  Matambudziko atinosangana nawo nekuda kwezvinodhaka. Pochipinda zvino kuti tsuro amutsa shumba kuti unotsvagei mumba mangu, shumba openga oti, nekuti akadhakwaka anoti, “Uri mumba mako here kana kuti ndini ndiri mumba mangu?” Tsuro nekuti anotya shumba opedzesira oti, “A-a, shumba masokisi awakapfeka akafanana neangu.” Haachataura chokwadi kuti, “Haufanire kunge uri muno.  Zvakadii, zvakadii, zvakadii. Togona kuisiira ipapo toita hurukuro. Saka mikana inokwaniswa kunge ichishandiswa, kuti tikurukure pamusoro pezvakawanda mumagariro. Ndoosaka ndichiti tsika dzedu dzirimo tinadzo, vanhu zvakanaka vanozviziva, zvakaipa vanozviziva. Zviri kubuda mumaH’Metro nemumaKwayedza nechii, zvino nesuwo ngano dzedu ngadzikurukure nyaya idzodzo. Asi dzitipe mukana yekuti tiite hurukuro vanhu voti aiwa, “Mukadzi watsuro ndiye ane mhosva nekuti aisatombofanira kubikira shumba pekutanga. Aiwa takakura tichinzi muyenzi haapedzi sadza. Anopfuura haapedzi dura. Vakaita zvakanaka vakamubikira. Ko kudhakwa uko vangazodii. Shumba ane simba. Ko kana akavatevera kwavaenda ikoko, zvino tapinda muhurukuro saka kuedza kuti tisangoti tine art inonzi ngano but tongoti ha-a, pane zvaakuitika kungano, ngatirambei tichidziita kuti dzirambe dziri relevant dzichitiita kuti tikurukure zviri kuwanikwa zviri kunetsa mukugarisana kwedu, mukurarama kwedu sevanhu, tichienda mberi.

 

TM: E-e tichisumudzira panyaya yenyu yamataura iyoyi, mati imimi maakunyora ngano mega. Tine ngano dzatakakura tichitaurirwa, kune vamwe vanoti ukataura kuti waakunyora ngano wega, voti ndo inonzi misaikunzwa iyi. Waakuda kutikanganisira zvatakakura tichiziva. Waakuda kutikanganisira mataurire engano dzedu. Imimi muchinyora ngano dzenyu mega kudaro, munosanganawo nematambudziko api panhau yekunyora ngano deznyu mega dzinotaura nezvinosangana nevanhu mazuva ano nekuti vanhu vanoti, tiri kuda kunzwa tsuro nagudo wedu asina kuvhengedzerwa kana kuvhenganidzwa nezvimwe zvinhu.

 

IG:       Jesu ndinomufarira mubhaibheri nekuti aitaura nyaya dzinowanikwa muvanhu. Saka neniwo ndinongotiwo kana Jesu aitaura nyaya, nevanhu vedu vaitaurawo nyaya, pane kwadzakanga dzabva. Dzine zvadzakanga dzichiedza kugadzirisa nenguva yadzaitaurwa nekuti mukatarisa ngano dzine nguva. Pane dzimwe ngano dzekuti haungade kutaura ngano dzezvimwe zvinhu ipo paine zviri kufanirwa kunge zvichigadziriswa panguva iyeyo. Vakuru vedu vaitaura ngano yakanangana nezvimwe zvinhu toti paita dambudziko revana vari kuita misikanzwa yekusaterera, mainzwa nadzo ngano dzevanhu vasingatereri nezvaizoitika kwavari. E-e, totarisa ndichidzokera kuna Jesu, Jesu waitaura ngano seanotaura nyaya dzemazuva ese zvake, zvakanga zvakadai, kune rimwe guta kwaive nemunhu akadai, zvakanga zvakadai. Saka kureva kuti ngano kana kuti nyaya, dzagara dzirimo matiri, chinongodiwa kuti tigone kudzitaura nenzira inota kuti dziburitse zvinhu izvozvo zviri kuitika matiri tisinganyanye kubva taramba takaomerera pakuti tsuro wedu kana gudo wedu haangadaro. Tinogona kuita kuti tsuro auyewo mutaundi macho, ove ndiye, nhubu ndiyani mungano, ndiye tsuro ove hwindi, saka pose panongotaurwa kuti hwindi moziva kuti nditsuro. Gudo ove mutyairi. Achiita zvaanoita. Chipembere iota mupurisa. Zvichifamba zvakadaro. Tagadzira, ngano dzinoramba dzichiita kuti vanhu vanokurumidza kudziti ha-a eheka, tsuro anomirira vana hwindi zvinoreva kuti kuti, taakukurukura nyaya dzedu.