Shona: Vhenyenguro yebhuku ‘Museve Usingapotse’, na Tinashe Muchuri

???????????????????????????????Tinshe Muchuri anopinda matare naCrymio Kutyauripo

mubhuku Museve usingapotse rakatsikiswa mugore ra2014, neCollege Press

Mapeji  134

ISBN 9781779006189

Museve usingapotse inyaya yaKaringe mwanakomana waMambo Chakaingesu uyo airwira nyika yake yainge yabvutwa nemuzukuru wake Pondai. Munyaya iyi munobuda hudzamu hwedzidziso yeupenyu yemunhu mutema kusati kwazouya dzizdiso iriyo mukore uno.

Musoro webhuku ‘Museve usingapotse’ chirevo chinoudzamu ukuru. Kana vanhu vachigara vakarongedzera mhuri dzavo mune ramangwana havangapotse pakufamba kwavo muhupenyu. Izvi zvinoonekwa munyika yaMambo Chakaingesu umo maidzidziswa vana mabasa ekubata namaoko avo. Vakomana navasikana vaidzidziswa zvekubata namaoko panzvimbo dzakasiyana-siyana navadzidzisi vakasiyana-siyana. Dzidziso yacho yaibva mumatare akasiyana-siyana seiro raNyahwedekwe apo panonzi naKutyauripo paipakurirwa vakomana mabasa akasiyana ane chekuita nehupenyu hwavo.

“Padare raNyehwedekwe ndipowo paitandarira vakomana manheru oga oga vachiita ngano, zvirahwe, tsumo nemadimikira. Vakomana vaiungana padare apa votanga kurondedzerwa nekudzidziswa magariro emunyika yavo nemagariro aiitwa nemadzitateguru avo navanasekuru vakanga vakwegura vaiva vana chipangamazano.”

Mukore uno kwaita dambudziko rekuti nyika yaomerwa haichina mabasa ekubata. Munguva iyo nyika iri kuita hurongwa hwekurongedzwa patsva kwedzidzo yenyika. Iyo inodaidzwa kuti Curriculum Review pachiRungu, vanamazvikokota varikukurudzira dzidzo inosimbisa mibato yamaoko. Munyori anotaridza nyika kukosha kwedzidziso yaiveyo makare-kare inova iyowo yaive nechekuita nemabasa amaoko achiti;

“Panguva yamasikati padare ndipo paidzidziswa vakomana kupfura matemo, miseve, matemo, nemapadza. Kwozoti vaiveza mipinyi yemakano, mapadza nematemo ndevamwewo zvekare vainge vari padare apa. Iye Nyahwedekwe ndiye aidzidzisa mauto echidiki kuposhera miseve nemapfumo avaigadzira.”

Imwe nyaya yakakosha inobatwa naKutyauripo ndeyewanano. Matare edzimhosva azara nenyaya dzevanhu vari kudambura michato. Makare vanhu vaidzidziswa kuti chinonzi kuvaka musha chii uye kuti zvakakosherei. Iye nhasi matare ekudzidzisa vasati vapinda musvitsa hakuchina. Musvitsa mopindwa navanhu vasina kukwanira. Munyori anoburitsa pachena kukosha kwekudzidziswa kwevaduku vave pazera rekupinda musvitsa kuti vasazobudamo kana vapinda. Dzidziso iyi yaibva kuvatana vemunyika yaMambo Chakaingesu vakaita saNyahwedekwe sekutaura kweKutyauripo apo anonyora achiti;

“Paaigara pose ainge asingasiyane nevakomana vava kuda kubuda mugota achivadzidzisa chinonzi kubva zera, kupfimbana nekuwanana. Aiongorora maitirwo etsika nekuona kana paine ainge ari kudzityora pane vose vaiva vachiri kukura. Aiziva kuchengetedza tsika namagariro emumuzinda. “

Kutyauripo anotinongedzerawo kudzidziso yakakosha inochekuita netsika yekukudzana uye kushandisa muromo. Zvinonzi muromo kapako kekuhwanda nako kune vanogona kukashandisa asizve ndimandurayise kune vasingagoni kuushandisa. Vakuru vanogara vachichema-chema nenyaya yekuti vana havachavaremekedza, asi kuvabvunza kuti rukudzo rwacho runobva kupi unoona vongoti boi-boi semukwambo awanikwa achichachura rongo raambuya. Kukudza vakuru hakudonhi mumuti semuchero waibvisa kana kunaya semvura, kunodzidziswa vana sezvaiitwa naNyahwedekwe achiraira vaduku vemunyika yaMambo Chakaingesu sekunongedzera kwaKutyauripo achiti Nyahwedekwe aiti;

‘Matove zvigondora vazukuru, midzimu yapasi inonzwa, kudza midzimu yako uchikudzawo vakuru kwauri. Mambo vako vanoremekedzwa nekuti ndivo jinda guru remidzimu yedu. Tsigisa hana semunhurume nguva dzose uchirangarira kuti muromo ndimandiurayise…Ziva kuti hunhu kugara uchikudza vedunhu rako, muchigarisana zvakanaka.’

Museve usingapotse rinoburitsawo zvakare kukosha kwehukama. Nhasi uno vana vazhinji havachaziva kukosha kwehukama. Makuna-kuna awanda nekuti hukama hahucharevi chinhu kumunhu wanhasi. Asi munyika yaMambo Chakaingesu zvinoratidza kuti mairemekedzwa nyaya yehukama iyi, mutana ainzi Nyahwedekwe anonzi aitaurawo kumhuri achiti, ‘mwana wose achangorumurwa pazamu ngaabve atotanga kurerwa nemadzikoma, madzibabamunini, madzitete, uye nedzina rese. Izvi zvinobatsira kuti kana munhu anoda kumutuma pamadiro haazorambi sezvo anenge ave kuziva hukama pakati pedu.’

Zvimwe zvitendero zvaveyo nhasi zvisati zvaveko, vanhu vainamata kuna Musikavanhu kubudikidza nemidzimu yavo. Kupira vachishandisa doro nebute ndiyo yaiva nzira yamanamatire avo. Munyori anopa jekeso yemanamatire akare achiti, “kupira zvirimwa vachishandisa doro nezvimwe zvipo kwaive kuratidza ukama nekudyidzana pakati pavo nevenyikadzimu.”

Munyori anitudzawo kuti makare-kare munhu aizogara humambo kana anotungamirira nyika asisipo aisaitwa zvefemera-fembera zvoitwa mukore uno. Humambo hwaigarwa nevana veimba yehumambo. Wacho anenge achifanira kugara pachigaro chamambo aitanga kudzidziswa zvehumambo, mambo vachi vapenyu. Mambo vaitoinda naye kunzvimbo dzinoera sezvaiita Mambo Chakaingesu kuenda naKaringe mwanakomana wavo kuninga uko kwaiva nehukoshwa hwenyika yavo. Kutyauripo anoti Mambo Chakaingesu vanokokorodza makurukota avo avataurira zano ravo vachiti, “Ndinofanira kupota ndichienda naye kuninga kuti achiona zvinoitwa nokuti kufa kunongouya chero musi iye asingazive kuti zvinoitwa sei.” Izvi zvinoreva kuti munhu aizova mambo aisazonetseka kutungamirira nyika sekuti zvose anenge ava kuzviziva.

Kuuya kwakaita zvitendero zvitsva zvimwe zvacho zvinorambidza vatenderi vazvo kuti vadaidzwe nemutupo, vazhinji vemunyika yeZimbabwe havachagoni kudetemba mitupo yavo. Vazhinji vacho vava kuziva kunamata nenzira itsva idzi. Vanhu vazhinji unonzwa vofonera kune avo vavanofunga kuti vanoziva zvetsika namagariro zviya kana mwana apihwa basa rekunoitira kumba kubva kuchikoro nemudzidzisi wake. Asi Kutyauripo anobetsera vanhu vakaita saivava nekuti anoratidza manamatirwe aiitwa nemunhu mutema kuna Musikavanhu kubudikidza nekutura mitoro yese kumidzimu yake.

Minamato iyi yaikosheswa zvikuru zvekuti tete Matose vanoudza muzukuru wavo Karinge kuti, “Muzukuru, muteuro uri kutaurwa pano ndewekuremekedza vari nyikadzimu nokuti havasi vokujairira sehope dzinongoitwa madirativhange navakuru navadiki. Chinhu chikuru chakakosha pamiteuro yedu ndechekuti hama yemutupo ndiyo inoteura kwete mutorwa. Muteuro wevari kumhepo une mutauro wakaisvodzama mutsika namagariro edu isu vanhu nokuti venyikadzimu ndivo vane marembesanwa etsika nemagariro akaisvodzama. Uroyi upombwe haudikanwi pakuteura.”

Nguva zhinji vashanyi kunzvimbo dzinoera vanonyangarika vasisazoonekwazve. Kana hama dzikanzi dzitevedze tsika namagariro anoita kuti hama dzavo dzidzoke unonzwa vachiramba nekuti havatevedzi chivanhu pamwe nekuchikoshesa. Tete Matose vanoroveredza Karinge vachiti, “Kune zvinhu zvizhinji zvatinofanira kukoshesa, kutevedzera, kuchengetedza, nekusazoita zvisakaitwa pasi pezuva rino. Takazviwana zviripo uye tinosungirwa kusiya tagamuchidza vanotevera kuitira unhu hwedu hurambe huchimiminwa sesurudzo rehundi.  Nzvimbo dzinoera ngadziereswe. Mhuka dzinoremekedzwa ngadziremekedzwe. Wirirano inodikanwa chose paukama hwemunhu nemhuka, miti, uswa uye pamusoro pazvo kukudza vari nyikadzimu.”

Kutyauripo anoratidza kukposha kweruzivo rwechikare. Munyika yaMambo Chakaingesu maiva navanhu vakatesva utosvo zvokuti vaiziva kuti mushure mamaguta kunouyawo nzara. Kana nzara yaita yaifanira kuvawana vakagadzirira. Iye zvino tava namatura eGrain Makerting Board (GMB) asi ivo vaichengetera zviyo zvavo mumapako. “Zviyo zvaigara muninga kuitira mwaka yenzara.” Mambo Chakaingesu vanodaro vachiudza mwanakomana wavo karinge..

Kutyauripo anotiratidza kuti makare yaisava tsika yavarume kuti vashungurudze madzimai nenzira yemhirizhonga dzemudzimba seapo anotaura nezvenyaya yaNyamaropa. Kunyange zvazvo vaiveyowo vamwe varume vairova madzimai avo, havasi vose varume vairova madzimai avo. Nyamaropa aitozivikanwa kuti airemekedza madzimai ake kupfuura vamwe varume vemunyika yaMambo Mupambi.   ‘Aizivawo kuti kurova hakusiriko kunogadzirisa dambudziko remumba asi kuti murume nemukadzi vanofanira kuziva kupedza dambudziko nekutaurirana vari mukati memba yavo. “

Pane zvakanaka hapashaikwi chakaipa. Nyaya yaKutyauripo ine zvemende zvayo zvinoiremera. Chimende chekutanga ndechekuti panoverengwa nyaya dzinechekuita namararamire akare zvinoita sekuti muverengi ari kuverenga nyaya imwechete. Zvinoita sekuti vanhu venguva iyi vaisambovawo nenguva yekudanana, kuita mitambo yekufara nekuti nyaya dzacho zhinji dzine chekuita nehondo dzehumambo bedzi. Hapana anodawo kungotipa nyaya isina chekuita nehondo dzehumambo idzi. Timboonawo kutsvetsvana kwavo kwavaiita, timboonawo kufara kwavaiita. Timboonawo kana kupemberera kwavaiita kana vachinge vagona kusika moto, kugadzira banga, demo kana kuveza chaiko.

Panewo zvimwe zviri munyaya iyi zvinoratidza kuti munyori haana kunge aitawo tsvakurudzo yakakwana seapo anoti paifamba Pondai musango aidya “michero yakaita setsarangidza, shumha, matufu nemazhanje.” Kazhinji michero inoreva mwaka yakasiyana yegore. Mazhanje anoibva kupera kwaMbudzi achizozuka kutanga kwaNdira. Shumha dzinowanikwa kupera kwaChikunguru kusvika kupera kwaGunyana. Zvinoreva kuti michero iyi haiwanikwi nguva imwe kunze kwekuti kana wava mufushwa. Asizve muverengi angangoda kuziva kuti sei michero iyi yawanikwa mumwaka mumwe iyo iri michero yemwaka miviri yakasiyana.

Chimwe chisingatendeseki ndecheapo munyori anotaura nezvaMarizani achiti, “Akauregedzera museve ukanoti muziso zete uchinobuda nekune rimwe ziso.” Ziso rairehwa raive rerovambira zvinopa mubvunzo wekuti iro rovambira racho raimbova rakakura zvakadini uye kuti maziso aro anodondana here. Munyori haana kupajekesa ipapa. Munyori anoenderera mberi achiudza muverengi kuti  Marizani wakere akaregedzera umwe museve wetatu wakasvikoti muziso, “zete!” zvinoita kuti muverengi ape kubvuza kuti rovambira rinamaziso mangani sezvo umwe museve waive watombobaya maziso maviri uchiita zvekubovesera nekune rimwe racho. Mafambire ezviitiko anondoti pesei zvinosiya muverengi ane mibvunzo mizhinji kwazvo.

Panotaurwa zvekurumwa kwaMurambiwa nezinyoka raigara muninga yamadzishe umo maiva makahwanda Mambo Chakaingesu iyo yainzi mhungu zvinosiya muverengi achikahadzika kuti mhungu yakura zvakadii zvokusvika pakumedza munhu mukuru akaita saMurambiwa umwe weuto raMambo Mupambi ainge auya kuzorwisa Mambo Chakaingesu nedivi rechekuninga. Zvichida dai yaiva shato zvainzwikwa. Uyewo iyo mhungu haiwanikwi kumakomo asi kumapani. Hama yayo rovambira ndiro rinowanikwa kumakomo seiro rakaruma Kunjerekunjere.

Ko, iye muroyi nen’anga zvine musiyano here? Munyori anofananidza n’anga nemuroyi apo anotaura nezvaKandishaya nemudzimai wake.  Izvi zvinoita kuti muverengi asare ane havi yekuda kuziva kuti munyori akamboita tsvakurudzo yekuda kuzivawo here musiyano wemuroyi nen’nga.

Pane pamwe pekuti munyori akadzikisira rimwe boka ravanhu vanowanikwa pakati pedu. Apo Karinge anoti kuvamwe vake, “Ngatisaita setsvimborume kana ngomwa machinda, kana tikadaro tinenge taguta upenyu.”  Mashoko aya anonyomba avo vasina vana uye mhuri. Vamwe vacho vonogona kunge isiri sarudzo yavo kusava nemhuri kana vana. Kunyangova iri sarudzo yavo, neimwe nzira zvinenge zvinoreva kuti tsvimborume kana ngomwa hadzina chekuraramira. Vanorarama vose vanoraramira kuzvarana here kana kuti vanodawo upenyu?

Koitawo imwe inodzikisira avo vanotaura vashishandisa zviratidzo apo munyori anoti, “Zvakapedzesera zvave kutyisa Chikwirandaombera zvekuti  kana kugara pasi akatadza achiona murume mukuru uya achitadza kutaura sechimumumu.”  Zvatinoti zvimumumu kana zvichiona isu tisingagoni kutaura nemutauro wazvo wezviratidzo zvinoti tinotadza. Kutaura nemutauro wezviratidzo hakusi kutadza kutaura. Sign Language umwe wemimwe mitauro gumi nemitanhatu inotenderwa kushandiswa munyika yeZimbabwe nebumbiro renyika. Vashandi vanobata neveruzhinji vakaita semapurisa, vana mukoti namachiremba varikukurudzirwa kudzidzira mutauro iwoyu wezviratidzo kuti vagogona kushanda neveruzhinji zvisina dambudziko.

Pane zvakati kuti zvinodawo kuona kwemunyori kuti nyaya yake inyatsotendeseka. Zvakadaro hazvo iri ibhuku rinofanira kushandiswa nevaya vanoda kuziva zvemadzinza avo uye kuti vangapira midzimu yavo sei neavo vanoda kuva neruzivo rwetsika namagariro emunhu mutema wanezuro uyewo ruzivo rwake.

 

  2 comments for “Shona: Vhenyenguro yebhuku ‘Museve Usingapotse’, na Tinashe Muchuri

Comments are closed.