Munashe Chamapezi Dhliwayo

Nyanduri Chamapezi
Nyanduri Chamapezi

Nyanduri Chamapezi ndeumwe wevanyori vanetsa muboka reChisiya. Haaneti kunyora nekuratidza mabasa ake kune avo vanoisa misoro pamwe veri muWhatsapp Group yeChisiya Writer’s Workshop. Kukosha kwezvaanonyora kwakarumbidzwa na Emmanuel Mhike Hove, uyo anotandara pamwe nekupangana mazano nevanyori veboka iri. Verengai nduri idzi muzvionere mega unyanzvi hwa Chamapezi.

 

 

 

 

 

 


SWEDERAI PEDYO!

Dai maita shungu dzokundishanyira ndisati ndaenda,

Mazuva ekuenda kwangu aswedera!

Zvino swederai pedyo ndikunongedzerei pfimbi,

Ndine rudo rwekukusiirai nhaka,

Nhaka inodadisa rudzi rwekwedu!

Dai ndaiva nesimba ndaiita zvemazuva aye!

Muchandifarira chaizvo ndaenda!

Muchandizungunutsa asi handizopfakanyika.

Mudiwa wangu hurombo hukuru

Nokuti zvichaitika kwauri uri mudiki.

Iwe neni tisati tabata chakanaka

Zvandaida kuona zvichaonekwa nevachasara,

Ndichave muenzi mundangariro dzenyu.

Muchachema muchiti ndakurumidza kudzokera,

Ikoko varikutiwo ndanonoka!

Swederai pedyo ndikupei ndisati ndaenda.

 

PROTON BAKERS

Amaihwe-e kani amahwe-e!

Sandi kushinhwa kweMaGiriki ikoko.

Kubika chingwa chinenge mupedzanhamo iwe-e!

Chinoramba kudonha huremu sedhora reAmerica

 

Ijakuchichi rinorangaridza harahwa makore ehujaha,

Idopiro rinouchika vasina mbereko,

Inhapitapi inodzinga shavi rehuroyi.

 

Chinonaka chiine chinhu pakati iwe-e!

Chinonaka chero chisina.

Chinonaka chichangoburwa chichiri kupisa,

Chinonaka chiri chinyoro iwe-e!

Chero wave mufushwa chinoitirwa nhangemutange.

 

Runako rwacho runotora vanhu vose vose moyo,

Proton muto wegwaya kuraidza chembere inofira mudziva iwe-e.

 

NDARUMUKA

Mazuva okurarama panyika mashoma,

Makore mazhinji ari muvhu!

Hatina musha panyika,

Ngativavarirei tinogara uri kuParadhiso kunababa!

Zvino tinokuenda seiko isu tisina rudo?

Pagakava tinoita masimukatienzane hwesora nembesa.

Mhedziso yedu inhangemutange kubatira mapadza,

Kuda kusakurana uso iwo munda uripo!

Uri mukoma wangu, Sam!

Handichatarise wevanababa vedu,

Ndinotsidza izvi saRute kuna Naome,

Baba vako, ndibaba vangu!

Vana vako, vana vangu!

Paruvengo ini ndarumuka mukoma wangu,

Iwe ndiwe chikushamazano changu,

Zvitanda munzeve ndati ndi kushamwari dzekunze

Dzine manomano seeVaJudha kuti tibayane!

Ini ndinoti mukuru ndiwe pfunde,

Ini hanga nguwo dzoudiki ndasimira!

Mumoyo mangu ndakusha rudo,

Rudo ndimaenzanise runodzima zvose!

 

ROPAFADZO

Ropafadzo wangu yuyuyu,

Muzukurusikana waMashayamombe.

Chisakashorewa,

Bvupa rakabva munyama. 

Mhinduro yaMwari,

Mubvunzo kune vane godo!

Rudo rwake mukombe usingagamuchidzanwe,

Chivimbo changu chombo chegwara!

Mapachiremera imvi remumusoro.

Ane tsitsi sedzamai Maria dzinoti sakasaka semvura yemubvumbi.

Ruoko rwake ndimatambanudze rwakarimirana miganhu nerutsuta.

Senyama yakaibvisa akapfava zvinopedza nhomba yemuseve.

Ndichamubvisira nyanga dzenzou.

Kuti agove mutsago wangu parukukwe.

Ropafadzo itsvitwa yangu yiyiyi! 

Madadisamoyo mukadzi waYuriya pachezvake!

Ane rukanda runopenya kunge mhanza yerombe.

Chitsvamumeso munda wakarimwa nyama.

Ndipopose chipfeko chebenzi.

Mavharanhamo gumbeze renherera!

Ndiye achave mai Munopaishe.

Ndiye achave muroora waRute.

Ropafadzo hosi yemoyo wangu.

 

ZVASHANDUKA

Musha wedu, 

Waive wamadanasetswa setsapfu dzemhandara

Dzinenge tukumbo twegonzo.

Baba namai vangu vaivata muimba yekubikira,

Pamwechete negumi rehanzvadzi dzangu,

Baba namai kukabati semakomichi,

Hanzvadzi dzangu kuseri kwegonhi kunge mutsvairo.

Ini mukomana ndaivata mudura sechibage

Chimbuzi taive tisina pamusha pedu

Taipinda mumunda tochonjomara tozvibatsira

Takafuka sumburera kana kumbumura madota

Takanga tisina mombe pamba pedu

Tairima nechibhakera.

Takange tisingakwanise kuenda kuchigayo

Taitswa chibage mudura, tozochipedzisira paguyo.

Iye zvino zvashanduka Mwari akati ropafadza mabasa edu emaoko.

Zvipfuyo pachivanzi zvangove besanwa sevanhu vari mumvongamvonga.

Tsinga dzinofamba nemagetsi dzave dandemutande nehukochekoche muchadenga

Musha wedu  mauro unenge wakati weke senguwo chena

Mumwe nomumwe avekuvata mukamuri yake

Pamusha pedu pave kunge pahotera pane menduru yenyeredzi shanu.

Muchina yemhando yepamusoro tinoishandisa pakurima.

Ekunze mamiriro tinoaona pamuteyakwindi.

Michovha haizivane sevasati vamboonana

Umwe neumwe ane wake sezita rake.

Nokubwaira kweziso takashandurwa naMwari.