Noreen Mutera

Noreen MuteraNoreen Mutera born in November. Akadzidza akawanda magwaro eCIPS ne Cutting and Designing paSpeciss College yemuBulawayo. Zvinyorwa zvake zvinosanganisira mitambo yemafirimu,, nganonyorwa, nhetembo nezvimwe zvakawanda.  Noreen anokurudzira zvebudiriro yetsika nemagariro, uye iye pachake ndiamai. Zvimwe zvipo zvake zvinosanganisira kutamba nekudzidzisa kutamba kana kudzana, achivazve jaji mukuru weunynzvi ihwohwu kuburikidza nebato re NAPH. Nekuda kwehudobi hwake mukunyora nduri, akakumbirwa nevatungamiri veChisiya kuti atumire nhetembo dzake kuMunyori Literary Journal. Tinotenda nekubvuma kwake kuita saizvozvo, nekuti onayi henyu zviri pasi apo.

 

Hedzinoyi Nhetembo Dza Noreen Mutera


Mwoyo 

Zvawangova jekakwese banga remakara.

Kuvhutira ruvengo rwotutumadza hana.

Kutadza kufema nokuda kwemwoyo wasunama!

 

Wakaita hake nyadenga asina kupa simba rokuumba nekuputsa.

Chokwadi vamwe taidya vachifamba!

Zvawamera bvudzi sechirebvu chembudzi pane achaugona here mwoyo uyu?

Wasarudza kufuka gumbeze redzinira mbuya.

 

Pandaiona tichiberekana kumahumbwe ndaiti hazvibviri ndokuberekwaka uku!

Kutenda nekupembera vabereki vakasunganidza pwere nerukodzi rwerudo!

Yohwe ndaizivei kuti rangova bvunurwa renyoka yakaenda kare,

rangova runda rwakatetenwa nemujuru.

Hapana zviripo makumbo enyoka wangova muhwezva chidziro chezvaivepo.

 

Bvaa unondirwadzisa mwoyo mwanawamai. Chiiko chakanyanyoshata zvokurasirana nhanga kutadza kutsikidzana munhanga?

Haufadzi uhwu hupenyu veropa mopfekerana mwoyo une majuzi!

Ndiwo mwoyo unoti chawasunga wasunga,zvino muchenjere kuusingisa chikazovazve chifo mangwana.

 

Bvaa panoda mwoyo gwanza harisviki

chinongova chimhukutira mimba yesheshe

unoti humhiza jongwe izvo kutapirirwa.

 

Ngaisiye matambo vanyamunhu

wiriranai, rasai mwoyo wemandini

chaitwa nemumwe chaitwa nemi mose.

Zvomoramba makasunga mwoyo budiriro yobvepiko?

Hanzi handinei naye,kuti zvadini?

Upfumi hausi hwenyika ndehwenyu varimo munyika,

chirasai zimwoyo iro muyanane.

 

Munhu mwoyo,mwoyo munhu,

Zvino zvomoda kupatsanura mosara neiko?

Pazvairehwa aive magadhi

yakamhazhika kufamba mutsimba.

Musati hatina kupfuura nepano

tikamwinimwira,zvava zvenyu hero jira ndakanda.

Ndapfuuramo asi ziva kwedu takarasa

tava nemwoyo mumwe!

 

 Ini

Ndini zvangu ini

Ini chaiye ndini!

Ndadirei kuti isu,

Ini ndirini!

Mheno zvenyu moda kuwanzwa paushoma!

Ndakangodai zvangu ini!

 

Werunako!

Ane ziso rinocheka semheni, kutadza

kundiona igodo renyu!

Asi ndini.

Werudo rwunotapira serunodyiwa,

weziya rinogutsa semukaka wekacheche.

Ini zvangu mwana akazvarwa nguva iripo.

Pandoreva rangu zita hana dzotekenyedzwa.

Pandasvika mufaro chete chete

Ehezvee ndini!

 

Ungazodei wemutema!

Ndini zvangu wenyemwerero

Inodzosa neavapanhovo!

Chitubu chemafaro!

Kufarira kufara nevanofara!

Vasina tsinye kana nhunha!

Ngatitandare kufa kwakauya

Ndini zvangu ndadaro!!!!!

Serisakadyiwa nyama

Ndaikuchemera kuchembera uku!

Ndaiziva here kuzvigokera moto muziso!

Heya ndashata nhasi nokuti ndachembera?

Ndichiri chimhandara miswe

yaitambatamba mandiona.

 

Ndiro here ganda reukweguru rondipisa

munyama kudai?

Ndashata nhasi nokuti zvandaisigona

kuzviitira handichagoni?

Kukura kubara uroyi here vehama?

Chokudya ndoita chokukandirwa sehuku,

usati zvinoperera ipapa,

Naipowo pokurara kugundurutswa

senherera yepaguru.

 

Nhai vehama imhosva here kuchembera?

Ndiko here kusakara kwaro dovo

kuita serisakadyiwa nyama?

Nezuro maindipa zvizukuru ndichikangira nzungu,

nhasi uno hezvo vonditya,ndoita vekuonera kumifananidzo.

Kwaiva kuteya rangu zuva rekufa,

maiti ndife ndisina nhunha nemi nhai?!

 

Chinokura chinokotama

musoro wegudo chava chinokoro.

Maiti zvodudzeiko zvomoramba kunokora kwacho.

Haiwa kukura ijambwa hazvinditadzisi

nemi muchapasvika.!

Ndiko kusakara kwaro serisakadyiwa nyama!

 

 Nhandare 

Ndaive ndafara ndikati wangu ayaruka.

Ayaruka opinda munhandare yeupenyu!

Ko, ndaizivei ?

Munhandare yavo vanakomana izere minzwa inobaya.

 

Chifara wakangwarira chikomana.

Nhandare yetsvetsvano haiidi ushasha unovirirwa dzachena.

Iro shoko rotoda kupima nekuyera wekurikandira.

Rega kunge unokanda hwiti yemarororo;

chenjera waunotamba naye.

Rudo ndiyo pfumbidzo yetsotso dzewanano. 

Mwanasikana chava chikara chikomana,

wangomunyengedza unotongerwa mhosva yechibharo.

 

Bva zvinorwadza isu veura hunotakura mwedzi mipfumbamwe.

Zvahurihwozve hura hunosvina mose mukomana nemusikana.

Panochema mukomana guru rinodavira,

Pochemazve musikana guru rosunga.

 

Zvahurihwozve ura mapako mati ponzwinywi??

Dzidziso yekuti mukomana nemusikana

ihanzvadzi nehanzvadzi zvakaendepi?

Kuita hwegonzo nekiti here?

Wanana haichina kana nechiremera.

Kungotsiura mudzimai vemutemo vatosvika. 

 

Aiziva kuti ndiyo nhandare

Yetsvetsvano zvaichava ndiyani?

Zvinorwadza wakabereka

Kushungurudzirwa wawakabereka.

 

Wapindwa neiko mwanasikana?

Dzora mwoyo kuhanzvadzi yako.

Ndokutamba kwacho here?

Hapasi panopfimbwa uchiwanikwazve nhai,

Ko yechibharo yabvepiko yowoomesera mwanakomana.

Tsvetsvano hadzisi dzose dzewanano chisikana.

Kana zvaramba usapomera chibharo.

 

Ndambonyarara asi rekubereka

Guru rochemera kodzero dzejaya rangu.

Pakushanda ndiye mudyi weziya,

Pamusha ndiye baba vemusha.

Moti titye here kutakura yemwanakomana mimba!

Dai waro mamupawo kodzero mwanakomana.

 

Mbavha mhondi munobvunzurudza wani?

Ko yetsvetsvano hainawo here manzwana matama?

Madirei kuuraya guru rembereko?!

Ngaigadziriswe kodzero yemwanakomana,

Nokuti zvairipo inorwadzazve ini Mai mutumburi!!!

Mari

Mhorozve nhai mari.

ko ini wandizivawo here?

Ndini zvangu ndasarudza kuumba ukama newe!

Zvauriwe mudiwa wemunhu wese!.

Ndati ndakakutarisa mari

chokwadi wakaoma!

Ndiwe wakosha kudarika upenyu hweaakakutakura!.

 

Ndati ndinzwe kwauri nhai iwe

kuti basa rako nderei?

Nezuro ndakatenga musha

ndikabisa mazazananda ako iwe mari

Asi bva wakagoitei,wakashanduka here?

Chokwadi ndatova benzi

Nokuda kunzwisisa nezvako iwe !

Dzinza rako riripi nhai mari,

ndinobvira ivo vakakubereka?!.

Wakatekeshera pasi rose

ari ani asingakuzivi?

Nekari parusvava kungokubata zenze tugu

wototonga pakari!

Waita mukurumbira wadarika hwanyadenga iwe !

Mabasa ako andikandisa  mapfumo  pasi!

Ko nhai mari paunonzi wapera simba hauchatengi,

Unenge watsamweiko?!

Iwo mavara ako kuyevedza!

Chokwadi unokwezva zvisina akamboona!

Nyika yangova besanwa,

rinomhanya ,rinodzika vese durumwandira!

Kuri kutsvaga iwe!

Asi wakagoitei nhai mari?!

Une dura here iwe?

Ko vana zvavo?

Ko vakafa madzitateguru ako aripi?

 

Guhwa

Parinotangwa! ihongu  hongu kurigutsurira nzeve,

 Dzosokoserwa kunzwa shoko rauya nemurevi!

Inzwa unzwe zvikwee zvodamburwa kuri kutapirwa!

Chirega unzwe rosimudzwa pamuzinda paraparurirwa!

Chokwadi  unooma mate mukwana  naro !

Rinosimuka ravanezvibikwa,zvinovavira nekutapira isanganiswa!.

 

Mvana nemhandara!,rangova  zeve zeve  kuri  kutya

Kunzwika nemupfuuri,zvikwee zvoridzwa kufarira rauya!.

Chirega unzwe  parinosvika pane wetatu,chokwadi  muto  waro

Unenge wakora!,hero rokungurutswa rakananga warabikirwa

Paanori  burirwa ndiye zhete!.

 

Ko!rinonetesaka,vamwe ndovanopihwa hasha naro,

Ndakariona!,ndikarinzwa!,uye ndinoriziva!.

Hedzo!chembere neharahwa

Misoro ndiye dhuma dhuma pamwe kuyedza kuzeya rauya

Risina chifuko!,makuva ocherwa; miganhu yotemeranwa

Mbariro dzopfurunurwa kana zviri zvisuvi  hatichatauri!

Musha ndiye mokoto,kuri vhunza  pane acharida!

Inongova naku naku,ko pane achada kuridzorerwa?

Ko iro kunyadza kwaro,kana rodzerwa wakauya naro!

Chokwadi unoita pasi ndimedze,harina mukuru kana

Mudiki!,mukobvu kana mutete,isanganiswa homwe

Yebenzi,

 

Rwuri  rurimi rwupupi  rwarinosema?!

Ndau,venda,manyika,zezuru,Ndebele kana naicho chirungu

Zvirikowo!ndaoma mate mukanwa naro ini,

GUHWA URI MHARADZI!.

 

 GWENYAMBIRA.

Rotekenyurwa maungira aro obvuta mwoyo wenharaunda!,

Nhandare yavabesanwa  kumhanyira   jaya radai kusvikirwa

Neshavi  rokutekenya!,musoro worerekwa parutivi,gwenyambira

Oshereketa,idzo hana dzotekenyedzwa nemaungiro aro deze,

Radai  kutsamwa!.

 

Mhukuta mudenga ndiye togoo! Mhapa neshashiko!zvangova

Mveyesana muzviuno zvemhandara,majaya semiswe dungwe 

Ndiye rokoto!, kutevera chikomba chashanyira hana dze

Tsvarakadenga munharaunda yazame.

Chirega rorereka zuva riya!, midzimu yenyika yodzekedzana,

Heyo!yodzvoveswa nagwenyambira, wadai kushanyira 

Mumuzinda wayo!,guduru guduru!,hari kuri kumhanyira

Vabve nyika dzimu!,manja oiswa pamwe!,madzimai zvisero

Zvopetwa!,oturikwa maoko!,kukudza vene venzvimbo!

 

Mhondoro dzenyika!,,vekumapako!,vaTovera!

Imi  vanagara dziva!, midzimu ndiringe!,vana chirera nherera!,

Tokuomberai!,nharaunda ndiye mwiro!,nzeve dzopihwa

Vene vadzashanyira wapedza rake basa GWENYAMBIRA!.

 

 Shoko

Nezuro ndakarireva mukati harina maturo!

Rogoshaiwa maturo sei serisina kubva mumukanwa?

Hezvo radudzirwa moti daitakaziva,dai makaziveiko imi makaritonga richangosvika?

Richauya makarishungurudza,mukarishoropodza,ndokukanganwa kuti chati homu chareva.

Mukakanganwa kuziva kuti mudyi wezuva inguva, nokuti parinorehwa rinenguva !

 

Musadaro vehama,seiko musingadi kuchenga ose?

Zvavarivozve vakuru vakati shoko harina zera. Sei ranhasi rava nezera hama dzangu?

Hanzi harina musoro,harina musoro rataurwa nemurombo,pane vapfumi.

Pavanohotsira vane mari,varombo misoro mogutsurira.

 

Ritorei sekuuya kwaro,harinei rauya nani!

Zvamakanzwa murwere wepfungwa ATI ngwarirai hondo,imi bvuu kuseka,,maive maona kusakosha kwaro zuva risati rakwira nhai vehama?

Ko maziva chamutaudzisa here,cherechedzai chamutaudzisa muchione hama.

Mari Sandi njere,kuziva Sandi kugona,kugona Sandi kunatsa.

Ritorei hama yangu harina Zita ,harina mutupo ringori shoko,Tora sezvariri uwedzere humare hwemumatama.

 

Nhai imi venjere,vanamugona zvese tonyarara here nokuti

Hatina chitinacho isu varombo?

Paraturwa hanzi rataurwa Nani,rafungwa Nani,ndiwo here mutambo wemumatama?

Rinotererwa ,rine uremu nderevane matumbu,ivo vemvere dzakati serere!

Nhai vehama madii mangorinzwa zvichida rine upfumi neupenyu.

Ko murombo zvaari munhu want kuvigwa hunge afa wani?

Ritorei murinzwe rake shoko!!!!!

 

 

 Ramangwana 

 

Ngarirongerwe ramangwana iri! Majaya nemhandara!

Farai muine ramangwana mumaoko nokuti, pariri 

Ranhasi  hapazi pamangwana,iro ramangwana

Ravakuda umhare hwepfungwa!.

 

Ramangwana rinoraramiwa nhasi sahwira!,usazochema

Woti  havana kutaura nokuti !, parinobuda  rine zvaro

Parinodoka rinoenda nezvaro,raenda haridzoki!

Harinei wanga usipo,ko ndiko kupindana nekufamba

Kwawo mazuva!.

 

Chisvinudza meso utsvage raunoda kuti  rimire sei!

Tarisa raunoda kuti rimire sei!,tarira vakarirongera

Vodya zvavo uchi nemukaka  hweupenyu!,

Ukasarirongera chokwadi unovaviwa neunye  hwaro!.

Unoraramira vakashandisa njere maoko vakaisa 

Kune vanesimba njere vasina!.

 

Bvaa! Dai ramangwana riine pfimbi,vamwe matura

Aipfachukira neumhare!,ndirege zvangu ndichiri mhanyira 

Risati raenda sahwira rinotoda kurongerwa!.