Tafadzwa Moyo

Tafadzwa Moyo
Tafadzwa Moyo

Tafadzwa Moyo akazvarwa musi wa16 Chivabvu mugore ra1989 kuChegutu. Kumusha kwake kuMberengwa, kuVutika munyika yaShe Maziofa. Nduri dzaTafadzwa dzokutanga kutsikiswa dziri mubhuku Tipindewo Mudariro (Dariro paZimbabwe, 2020). Dzimwe nduri dzake dzakaparurwawo padandemutande muThe Connect Magazine yakabatana neThe Gourd of Consciousness Poetry uye paWINZim Poetry and Fiction Blog. Ane nyayawo pfupi yake yakatsikiswa mubhuku Gangaidzanwa (Essential Books Publishing Company, 2020) iro richangoburwa. Zvimwe zvinyorwa zvake zvinosanganisira nhetembo nenyaya pfupi zviri mumabhuku akati wandei ari mubikiro achabuda munguva pfupi inotevera. Tafadzwa anofarira kukurukura zveupenyu, kuverenga nekunyora. Shungu dzake ndedzekuti vechidiki vanhasi nevachazovapo vade, vakoshese nekupitipidzana kupakurira nyika zvinyorwa zvakadzama mumutauro wedu weShona.

 


 

Pazvichaperera

Pazvichaperera zveKovhidhi izvi;

Ndaona vanhu vachiita semombe dzabva pajoki,

Vachiita semombe dzemashanga dzavhurirwa,

Vamwe vachiti dhugu nehasha 

Senjenjedza yanga yakambovharirwa mumwena,

Vamwe vachiita mutambamhuru semhuru,

Vamwe manhamba achiita seanovava vongonjekuka sedzvatsvatsva,

Vamwe kuendera dzama samadora mhuri dzichisara.

 

Pazvichaperera zveKorona izvi;

Ndaona dzimwe dzimba dzichiondomoka sekutamba ova matongo,

Zvidhakwa zvichisiya hari dzasukwa vana vasina hembe,

Vasvuti vefodya zvifuva zvichivora vachisvutira kuti zvipere-zvipere!

Mhandara miviri ichatekenyedza vosara dzava mvana nokusazvibata,

Majaya achange mabhuru amashanga anotevera nokusazvidzora,

Vamwe vachamberereka nenyika sevatanga kuiona musi’wo,

Vachinan’anidza nekupenengura zvinhu sevatanga kuzviiona musi’wo.

 

Pazvichaperera zveKorona izvi;

Ndaona vamwe vanhu vachiita sedzashota, sevotenderera njere,

Vachiona nyika seinotenderera, seinoita chamupidigori,

Miromo yavo nemhino zvakatsvuka nekuda kwezvaheki,

Kumhoresana kuchiyera, vanhu vachigarira kure nakure!

Pazvichaperera nhaka chichava chinekaneka!

Vazhinji vachapinda nemwenje mudziva!

Kana kuzvigokera moto muziso!

 

Pazvichaperera zveKorona izvi;

Vanhu motobata hana dzenyu.

Motozvibata, modzikama kuti tyo-o!

Motogama moyo yenyu isaremberera.

Musazorega kangoma kachiririsa kangazobvaruka!

Murege kuita chamutengure vhiri rengoro,

Mungapepuka mava kumazivandadzoka,

Kuyerekana mati pfaka panyanga dzamushore,

Kana kuzoyeuka bako maaiwa!

 

Mamiriro ekunze

Mahindasitiri zvaakauya takapembera,

Iwo ndokurutsa gusekuse reutsi ndokuti togo!

Mhute yezvikachidzo heyo yombumuka muchadenga,

Zijira raitipa dziviriro kuzuva rangova marengenya

Tasara pamhene sevana venzembe.

 

Tarisai mirazvu yezuva yotinanzva pasina dziviriro,

Ivhu renyika rava rufuse, harichatsikiki.

Ndikare kare mvura yaoneka nyika,

Chava chinhambo ichingoita zvekunanzva nyika,

Ikatoti tsvoti tototi Mwari waticheuka!

 

Miti takakwazha sare tisisina masango akayena,

Munhika dzenzizi takataratadza,

Mvura youya yakaita gukuravhu.

Heyo ndokunoti musheche munzizi cho-o!

Sare madziva ati kwau azvimbirwa nejecha.

 

Mishina yakagadzirwa yekugadzira zvizhinji,

Mimwe ingarimoto dzekufambisa vanhu nenhumbi.

Painoshanda inoshandisa mishonga ine njodzi,

Kusangana nemvura zvinoraramamo zvinooneka nyika,

Nyika ikasangwarira tichasara tangova vanhu.

 

Zvatakazvibaya toga vehama!

Ngatichitoitai muonera pamwe chuma chomuzukuru

Umwe neumwe nedumho rake rake tichiita dhungetunge 

Kusonanidza zvipenga-zvipenga zvenyka yedu,

Tidzoreredze masango akambotemwa,

Tichengetedze nharaunda yedu neundere,

Zimwe zijira riya remuchadenga ringatifukidzirazve

Tikarega kuvangwa nezuva zuva nezuva.

Zvichida tingagwangurazve,

Nemisodzi yedenga zvimwe ingadonhazve.

 

Handidzokorori

Penga uchidzoka, usangopengereka

Ronga mazano uazame, usaronga uchirongonora.

Chawapiwa tenda, asi urege kuramba wongotenderera.

Panofara vamwe farawo, asi usafarisa.

Kunoenda vamwe endawo, asi usaenderera

Ramba zvakaipa, usarambira mukushanja.

Ukabuda mumuforo dzoka,

Wochirega kudzokorora

Nokuti tsuro haiponi rutsva kaviri!

Ini zvandareva ndadoreva, iwe chipfimbika,

Ndinoreva kamwe, handidzokorori.

 

Musango mune zvikara

Makore apindana kubva zvandakava chigondora chinozvifurira.

Zvandainzwa kuti musango mune nyama;

Ndakati regai ndindozvivhimirawo ndomene,

Zvimwe ndingadzoka ndakabipitira mhembwe nemhara

Ndikadetemberwawo nezvidawo zvangu zvokwaSinyoro.

 

Ndakati gangauta rangu nonge, papfudzi koche,

Miseve munhava yangu pfenyere, papfudzi shishita,

Pfumo netsvimbo muruoko dzvi-i, imbwa nepapa.

Ndakanga ndafunga kundovhima mhuka mumasango,

Imoka makarehwa kuti musango mune nyama.

 

Ndakatanga ndicharinga zuva,

Pedzisire ndoverenga mazuva.

Masvondo akadyanana ndikarava mwedzi,

Mwedzi yakava mwaka kudzamara ava makore.

Makore apindana zvino masango achingova matema,

Kana imbwa dzangu dzakaza dzikanditiza dzikadzokera.

 

Kudai ari matema zvoga ndaiti zvimwe,

Zvino ndanzwa namabaranzurwa muviri wose.

Dai ari mabaranzurwa oga zvaive nani,

Zvino minzwa yemubayamhondoro yandionesa ndondo

Kufamba ndongodovaira seuya ane nhonho dzakati tuku tuku.

 

Ndinombomutsawo chaizvo dzine makushe,

Asi pandinodziti some zvikara zvinoti neni tsvemete!

Ndakambovhurumutsa mhembwe zirakapiti rikandisimudzira musoro.

Musi wandadzimba nyathi vabapatyuro vakanditorera.

Musango mune zvikara umu hama dzangu.

 

Makora anondiengerera napamusoro segondo,

Anonditarisa neziso regondo kuda kuona pandinodzimba,

Kuti agouya ondifumha kudzamara anditorera nyama yangu.

Sare ndangobata maoko ndichimberereka nesango.

Kumana hakudzokereki namashangurapata!

 

Ukatodzimba kanyama kasina makushe tenda!

Wotokamvonyera munhava zvikara zvisaona,

Nokuti zvingan’ara zvikakubvutira kanyama’ko.

Hongu, ndizvo musango mune nyama

Asi mune zvikara zvinorura

Zvinotoda kutamba wakachenjera.

 

Makose

Unomboita nhanho wakaringa mberi

Woitazve dzimwe wakananga shure!

Wakambotarirepi chaizvo iwe?

Mberi here kana kuti shure?

 

Gotsi rako rinenge kumeso

Kumeso kwako kuchinge kugotsi.

Unoita seunovuya iwe uchienda

Woitazve seunoenda iwe uchivuya

Wakanangepi chaizvo iwe?

Uri kuenda here kana kuti uri kuuya?

 

Unomboita seuri koko

Woitazve seuri kuno

Divi rauri chaizvo nderipi? 

Kuzidyi here kana kuziboshwe?

Ini ndakushaira pako chaipo.

Kwaenda mhepo ndiko kwaunoenda sehoto

Uri munhui asingazikamwi paamire?

Uri munhui asingagoni kuzvimiririra?

Humakose hwako huchakunyudza rimwe zuva!

 

Tichakusvika here?

Usiku ndati regai nditi tsau nepabhawa,

Ndimbocherechedza kuti chaizvo mufaro wemo ndewei,

Ndichinoti ngori’mo, ndati kanha nezvandaona;

Vanga vachijaivha zvekudonhedza musika vanasikana,

Varume kuona izvi pfungwa dzotenderera,

Angoti kwenyu wonzwa, “Ndipe mari tipote paseri.”

Ndavasiya vachienderera nemufaro wavo pakare

Nezvoitika izvi, kuzera rakasiya tichakusvika here?

 

VanaDzasukwa vanotozobvapo bhawa ravharwa,

Kana kurarapo pfungwa nehwahwa dzakurirwa

Izvozvi kumnba mukadzi navana vanochema

Zvipfeko zvavo marengendu mabhurukwa eshinda

Kana iri nzara venge vari muna gochanhembe

Zvakazonyorwawo nemukuru wangu Chakaipa

Mubhuku rake Dzasukwa Mwana Asina Hembe

Pauchariverengawo uchava nemuvhunzo unoti;

Vana Dzasukwa kuvuhweguri vakazokusvika here?

 

Mudhorobha kufamba usiku kuzvipereka!

Mune hombarume dzinovhima vanhu sedzinovhima mhuka,

Zvombo zvavo zvokuvhimisa vakapakata.

Kungo rivare, tsedu, unokuduburwa ukapota!

Chinoshenairirwa pauri ichingori mari,

Vakuponda vanoparapata kutsvaka mari.

Ropa remunhu rave redambe, mariri votambira.

Kufamba tobatira vura mumaoko

Tichitya kuti ko, iko kwatinoenda tichakusvika here tiri vapenyu?

 

Veduwe-e tarisai dzimba dziri kuparara,

Neurwerewo munyika hwapararira,

Nherera muyika dzawandawo sejecha,

Samatamba anowa, mumwe mumwe toridimuka

Kusiya here nyemba tichine mikaka pamhino?

Vehama, nezvoitika nhasi izvi,

Kuzera revuhweguri tichakusvika here?