Charlton Nyoni

CHARLTON NYONI akaberekwa muzuva regumi nashanu mumwedzi wambudzi mugore ra 1967 muguta re BULAWAYO. Zvikoro zvaakadzidza ndeizvi: Magwegwe primary.  Nyamande primary. Njube High. Speciss Col. Byo Poly. Wits (SA) Anonyora ne chirungu, chishona, Ndebele ne Kalanga. Kunze kwekunyora anoita ART yose ingaonekwe neziso: Mumagwaro, zvivhitivhiti, nziyo, nekudandemidande kunowanikwa mabasa ake.

Charlton Nyoni was born in the city of Bulawayo in the year of nineteen hunderd and sixty seven. His first poem was published in The Chronicle in 1982 but he went on to do creative art , then commecial art  and finally fine art. During which time he never stoped publishing stories and poems but also wrote for the screen.

UCharlton Nyoni ngumlobi oseleminyaka eqabuka ngo1982 ekhipha inkondlo lendatshana. Yena wazalwa ngomyaka ka 1967 edolobheni lakoBulawayo.   


Mugoni Wetsumo

Mugoni wetsumo ndeanoziva kwekuishandisa.

Vamwe vachizvisanganisa semutakura,

Kuita makanyanise munyu ne mavhu.

Kungwara kwetsumo kuudza waunoda.

Dziripo tsumo dzinotosvora  njere,

Idzodzo usadzipe vasina dzinopinza.

Nekuti dzimwe njere mavende adzigoni kutsenga,

Dzimwe zvekare dzakashanya – chimirira dzidzoke.

Ivavo tsumo inowana vasipo ukanyara.

Mugoni wetsumo unoiridza sembira

Igotambirika, igotambwa serekodhi, igoterereka.

Semvura inotinhira pahore yakati ndo-o,

Inocheukwa nemunhuwese.

Dziripo dzinoda kunyudza badza tsumo,

 Dzimwe dzinodimikira dzichibhendera; zvirahwe zvinozvimbisa urozvi.

Dzimwe dzichiuya semadimikira dzakapfekedzwa juzi refamanidzo,

Nedzimwe dzinouyanawo dzakarungwa mazwi anopokana

Dzimwe dzinopa kuchenjera kune anotaura

Dzimwe dzichipa njere kudya kunopa muviri.

Mugoni wetsumo munozosara mopenyerwa akupai gotsi,

Mashoko ake mamwe anokubatai kumeso  agoramba kuvhurika.

Paanoda anokutsiudza.

Paanoda anokukurudzira

Paanoda anosimudzira waanoda.

 Pamwe munosara makabata mapapiro ezvaanoreva.

Asi tsumo yake asara nayo.

Nhunzi

Hutsvina hwenhunzi hunoonekwa neasinganwi doro

Iyo kugara yapukuta maoko kuramba mhaka

Kufarira zvakaora nezvakaorera zvose zvirimairi

Huri hunhunzi kunetsa nehudokwana

Pagurususurayo inohutakura hurwere,

Inouraya munhu kana nemhuka hombe

Hairoveki zvekumhanya ungashangazhika,

 Ukamhanya uko nouko hako!

Haifiri paruoko inofira pamukaka nhunzi

Yofira padoro nepausavi hwako

Kutsvina kwainotambira haifiriko

Inofira mumvura uchida kuimwa.

Mukoma

Pakutaurirana mukoma

Ndezve pakutaurirana.

Wakakwana here iwe?

Ndirikubvunza dzakati kwesere here?

Zvawasvetukira yangu kora yakutadzira chii?

Waidzvinya ukai unyanisa seine mhosva

Haunyari here kurwa nejira?

Washaiwa here muromo?

Ichakupindura here kora iyoyo?

Ini wangu ndasona muromo,

Aikazve wavakuti nditaureizve,

 Iwe wanga uchirwa nechidzipanyota

Uchiedza kudzipa yangu nyota.

Ngaikupe zvacho zvaunoda?

Saka wanei?

Ini ndawana mavanga

Iwe mari yoperera pakuzondiona

Ee-e ipurasita; musoro sandi jira ibhandeji.

Ndiwozve mangoromera!

Hanzi mishonga inotengwa namuparanzvongo

Mapurisa anokudazve

Dhora rako ndichakupa,

Hasha dzako dzokuripisa makunun’u maodza mwoyo.

Hwiza

Kuripo kungwara kwemhashu inemaziso anenge mapundu.

Iwo anotarisa zvirikunyangira neshure

Kuripo kungwara kwemhashu inosvetuka nemakumbo anobaya

Kubaya chonyangira iyo ichibhururuka

Kumberikwayo hakunei nemaziso

Inadzonyanga sechivhitivhiti,

Dzinobata masaisai ezvinouya

Inouziva hurema hwayo mhashu

Musoro wayo wakanamira padhende

Huro idemhe kuvharidzira dhende remutsipa

Irodhende rinova wayo mutsipa

Ihwiza varume ihwiza

Inomoyo wakarembera kunze kwechipfuva

Asi moyo wayo haubatikani sewomunhu

Wayo muromo unemaoko mambozviona?

Kuti ibate zvinobvinza painodya

Ukundiko kungwara kwe mhashu

Hove dzichiida, shiri dzichiida

Nemunhu achiida nemasvosve asinganyari

Inozviziva izvozvo mhashu!

Iyo inodya mashizha,

 Ichikanganwa kuti ichada pokuvanda.

Yakatarira vayo vanyangiri.

Mwanakomana

Ndakatarira zvirimberi kwangu moyo ukadavira

Ndakamuona achiuya mwana womunhu achifamba

Iye mwanakomana akanaka moyo nemhumhu zvese

Kusina nguvangani ndakarohwa nemheni yorudo

Kusaziva zvaiitika ndikazokaruka moyo wongongodza chipfuva

Ndakazara nekunyara ndatarisana naye

Pamwe ainge azviona zvaiitika mandiri

Ndonyarirepi?

Mitezo kuti twii kana kumbo zungunuka

Takatarisana ndikaona sekunge nyika yofa hayo nembabvu kuseka

Zvandiri izvi tsvina nehuori,

Humbava neruchiva rwembiri ndisingafambi neusina motokari

Ndichiona ropa rake richidonha mumaburi emumaoko

Iye achinyemwerera achida kundimbundikira akadaro

Netsvina yangu pamaronda iwawo ko corona haitye here?

Dombo remoyo wangu ndakanzwa richinyunguduka nekureruka

Ini kuita tsitsi; ini chaiye kuita tsitsi, mwana waBerejena haiwa!

Ndo pandakati dhu-u mumoyo wanyunguduka!

Tsitsi ndokupomerwa nerudo raakandipa murume uyu.

Waipenya zvaiveneka zvandiri zvose ndikanzwa kunyara

Nokugeda geda kwameno namabvi kukuru

Saka kwandiri aionei?

Kwekuvanda ndakakushaiwa kwaasingavheneki

Saka zvino ndoitasei?

Kupfugama kwakauya koga mumabvi angu misodzi ikayerera

Pamatama angu yakaerera pasina mudzivisi

Ndamuda uyu; ndamuda mununuri

Ndamuda chaizvo mwanakomana womunhu.