Nhetembo Shanu na Emmanuel Hove Mhike

emmanuel mhikeEmmanuel Mhike Hove akaberekwa kwaMazvihwa, Zimbabwe, mugore ra1987. Mwana weimba yovushe hwekwaMazvihwa uyo anombodzwa nerekuti “Prince of Mazvihwa” . Akadzidza paGudo Primary School nepaGwavachemai Secondary, achibva azopedzisira paZvishavane High, asati aenda kuMidlands State University, uko abuda neHonours degree reMusic and Musicology. Akashanda paMusic Arts  and Culture Festival iyo yaachiri kubatsira nanhasi. Mhike ndoumwe veavo vakauya kuChisiya Writers Workshop yakaitirwa paGwavachemai muna Nyamavhuvhu, 2015. Emmanuel Mhike akaratidza unyanzvi hwake mukunyora nekudetemba. Imwe yenduri dzake yakasarudza kuti ibude mu Poetry Now, gwaro rinoburitswa neSacramento Poetry Center kuCalifornia. Kunyora kwaMhike kuri kuwanda, uye ari kuwedzera kurudziro yake yevanyori muZimbabwe.

 


 

Nhetembo Shanu dza Emmanuel Hove Mhike wekwaMazvihwa

NZUNGU DZEMBEU

Hedzo shomanane mwachewe
Ndakatomira sebvumba veduwe
Dzingadai dzakatetenewa
Nenhamo zvikasara kokwaMazvihwa

Ndakaona kuti havaoni
Ndoreva vaya vanodzimenyerameno
Svomu dzakavadzvenga zvokuti hameno
Anza yavo inongobuda nhasi kwete mangwana

Ko, matakadyakare zvaasinganyaradze
Funga zvakadzama Chivaraidze
Nhamo idoro mwanangu nherera
Muvambi akaparira vamwi

Ko, wambotiwaona here zviri kuuya
Ringa mberi isiyawakuya
Chimwe kutofanana newe nemateya
Dai chikasatodza kumenyaramumuromo

Vamwe vanoti taurai henyu Save
Vamwe hanzi kufa kwakauya
Raramo idivakamwe VaChikwaya
Ko, nyika nemhuri yako zvofanewe here?

Idzi iNzungu Dzembeu Mwachewe
Usaravira kana imwe mwanawe
Enda unodzidzvara mutseu
Imwechete ichaburitsa gumi nefararira

Ini tseu yangu ndiwe
Vimbo yangu mauri igoridhe
Dzvarawo muna vamwe.
NdoGUTSARUZHINJI

ZVICHAPERA TAUYA

Munofamba makasimudza mapipito
Madzika mungorodzemoto
Dzemoto dzotongosiona muzvivhiti-vhiti
Imi ndimi Vanhu nhai?

Munokama dzeruzhinji
Mukaka modya muchipfachura
Ko, mukoma Hondondeyedu? Ko sisi?
Ko maivamhanyisamberi wani?

Zvamakanaka kana muchifanira
Havazvioni kuti movabatakumeso
Asi chero vakabatakumeso hamudzori tsvimbo
Hoo! Zvichapera tauya

Zvavanongogeza yamunenge mageza
Moyo yenyu yakaoma sedombo
Hamucheuki mhere motoda zvombo
Zvichapera tiri kuuyako

Ko, zvamovabata neseri kweruoko
Vakashinga moyo havo chose
Kwavari ndiko makabva mese
Vanhuwo kani vapeiwo dariro

Zvamunongonyangarisa kuita hukwana
Mutori ruvangu mongohwutura
Ko mogobvunzwa nani imi muchibhururuka
Zvisinei takuuya hedu!

CHISIYA

Chisiya amai nababa
Chisiya iwe watova womubereki
Mwana gororo rova Sitereki
Iwe hauchisiri mudiki

Chisiya vadye nhaka
Iwe idya chako wega cheziya
Chirega kukungurutsa gore nendangariro
Ngazvikupe shungu netariro

Chisiya maonero ako aya
Kuona zvinhu sezvazviri
Onawo zvisingaonekwi neruzhinji
Vavarirawo kuita Munyori kana Muimbi

Kwira pamusoro peChisiya
Chikomo chekwana Sigauke
Uone kunaka kwenyika yawakajairira useke
Kubva kwana Mawere kusvika kwaMhike

Chisiya hope hadzina ndima
Vatomuka kare vana Chirima
Upenyu hwenungo irima
Gona rehupfumi idikita

Chisiya kutevera vamarokwe
Haungapedzi vakasikwa
Ndivanamusiyadzasukwa
VanaChisiyarwapindarukonye

Chisiya ndibudewo mugota
Kurara ndongokurota
Musadaro kani vaChivi
Chisiyai umhandara huchiri mavivi

 

UPENGO HWUNOVAKA

Makatuka zuva randakaberekwa
Murimizve nyakutumbura
Maiti makarwadzirwa pasina
Usiku hwekutambisa!

Maiva matoona rombe remwana
Mukati ndakakuzvarira gitare nenduri here Manu?
Maidisa kwazvo ndiite dhokotera
Kwete wemanzwi asi wavanorwara

Hamuna kuziva kuti ndopengazvakanaka
Hwangu upengo hwunovaka
Kuvaka dzimba dziri kutanga nedzotofa idzoo
Kuvaka vechidiki neharabwa idzoo

Nemanzwi ndopengera munziyo
Nemanzwi ndopengera mukunyora
Vanongodzidza kunyangendakarara
Mbiri yangu yotekeshera

Amwe mabasa kufahurova sedhongi mhai
Rangu vanongonditevedzera nokundirava nhai
Hakuna rimwe basa rokunda iri mhani
Ndatosiya nyika, hameno vanonditaura kangani

Ndichipenga ndonyaradza vanochema
Ndichipenga ndomutsa marema
Wanditeerera wapinda muAreka
Ndine upengo hwunovaka

Hanzi Dembo wakati Chitekete
Macheso akati kete
Chirere akati teke-teke
Mapenzi anovaka iwawa!

 

MUONDE

Ndodawo kuita sewe Muonde
Unogara nemvura kunge rwizi Runde
Ndaita sewe ndogarika kuti tende
Nekuti iwe unogara pahova dzemvura

Ndodawo kuita sewe Muonde
Unobatanidzazvaakasikamusiki
Zvikurunezviyazvidikidiki
Pasinashanje kana rusaruro

Ndodawo kuyevedza kwegore rese
Kubvira Ndira  kusvika Zvita
Ndichiunganirwa nacho chita
Pasina anobva pandiri  achinyunyuta

Ndodawo kuvamai vamadzimai
Sezvauri iwe Mambokadzi
Chireranavatadzi
Mutiwamadzimiti

Handidi kukurigwa nenharaunda
Kubatwa nemweya wenzvimbo
Ndodawo ruzhinji rubvunze unombozvigonasei
Zvavanoita vachikuona wakafara mugwenga

Handidi kutsonga serushanga
Kunge ndichatorwa nemhepo yekutanga
Ndoda kuvarino hundererume
Ndigoimbwawo zvavanokuita vachite Muonde Hundendendeeeee