Zvibaye Woga, na Idzai Iris Mushayabasa

Jpeg

Born in Masvingo Province in Mwenezi District, Idzai Iris Mushayabasa holds a Bachelor of Arts General Degree (English and Linguistics) from the University of Zimbabwe and has taught at Vurasha Secondary School in Mberengwa, Mwenezi High School and Chibaya Secondary School in Masvingo Province. She is a new poet and writer who has three of her poems, Ndotamba Mutambiroyi, Panzvimbo and Wotokwinya Chimhandara  published in Dzinonyandura, Svinga Renduri an anthology by  263 set for 2016 -17 Advanced Level public examinations. Her passion for the advancement and promotion of languages and African culture among today’s youth is strongly painted in her poems and writings on social networks.Her poems  probe into issues related to culture and identity. She also gives remarkable attention to women’s problems especially in marriage.

 


Zvibaye Woga

Paakasvika pachiteshi chebhazi Chipo haana kufunga kuti gwendo gwake gwaakanga atanga gungatanga nokufurusiwa zvakadai. Ko chaigofurusa misiteresi vepachikoro chikuru vaidzidzisa vana chirungu chinotyiwa navanhu vose chingava chii? Kuona Medias achirezvana nemukadzi wakeNyembesi kwakamugwadza nokumusvotora moyo. Vaviri ava vakanga vazvigerere zvavo pasi pomumvuri womuvora vakamiriravo iro Mhunga rakanga ravingwavo naChipo uyu. Ko zvaikona kumudya neiko Medias uyu ndiye mukomana akanga akarambwa naChipo zvakazikamwa dunhu rose apo musikana akakunda pazvidzidzo zvake zveA level akawana nzvimbo yokunodzidza kuchikoro chokuHarare. Chero zvazvo vakanga vadanana kwenguva shoma vakamirira zvakabuda pavhunzo dzefomu sikisi dzavakanga vanyora, Medias akanyatsojekesegwa kuti mombe nedhongi hazvikweverani apo akabuda ari pasi zvokuti haaikwanisa kuinda kunodzidzavo kuHarare. Akazvigamuchira nemisodzi ndokunodzidza hake kuBondolfi Teachers College kwaakanodzidzira kuita mudzidzisi wekupuraimari.

Chipo akanga ava pazera rokuti akanga asisina chokwadi chokuti angasimuka panodamwa vasikana here kana kuti nevakadzi vane dzimba dzavo. Pazera remakore makumi matatu vazhinji vaakatamba navo vumhandara vakanga vava nedzimba dzochema nokutumwa ndumure. Kwaari zvakanga zvine tsananguro kuti semunhu akanga apedza nguva zhinji ari kuchikoro akanga akazvibata kuti apedze chikoro agoyapusavo mhuri yekwavo. Asi ruzhinji gwemudunhu raakazvagwa gwaivona tsikombi yakanga yotyisa majaya kukanda shoko. Vazhinji vaingoti vakahwa kuti ane dhigirii uye akapedza makore matatu achidzidza kuHarare vaibva vafunga kuti akatamba vumhandara kuHarare akanyara.

Mwanasikana wavaMosi uyu akanga akanaka zviya zvakanyogwa mumabhuku evakanyora kare kuti kwaiva netsvarakadenga yademoyo. Hapana chaishoreka paari pachimiro, mumaziso evakuru kana vadoko. Paakanga akangosiyana navamwe vezera rake ndipo pakutya kuita gundamusaira. Zvaakasvika pachikoro chikuru chemuZimbabwe cheUniversity yeZimbabwe akangoti zita rangu ndichandavinga ndokungomira akadero. Zvokuti majaya aibondera paari kwaitova kubondera kwomene, akaramba vakomana vose zvavo pedzisire vomunemera vachiti ane chizvi, izvo tsvoo kwaingovawo kuzvibata.

Paakaona vaviri ava mwanasikana hana yakarova zvokuti kana Medias nemukadzi wake vakanga vasingatauri panguva iyi vangadai vakazvihwa. Akamira semunhu avona goritoto gokutanga muvupenyu hwake, haana kuziva kuti oinda mberi here kana kuti odzokera sure. Chakanetsa mumvuri waiva umwe pachiteshi apa, bhazi rakamirigwavo ndokuita rimwe. Kudzokera sure kwakanga kusingachaiti nokuti Medias naChipo vakanga vatosanganidzana maziso, huye zvakanga zviri pachena kuti Chipo akanga avingavo bhazi nomuchenere waakanga akaita. Chipo akazvisimbisa ndokufamba hake zvishoma nezvishoma akananga pamumvuri uyu, asi hapwa dzake dzakanga dzoshunya shunya neziya huye chiso chake chakanga chazara chiveve.

Chipo akakwiridzira mudzva webhodhi yake chero zvazvo yakanga iri pazvimbo kwayo, gumwe rutivi ndokukwiridzira mubato wehendibhegi wakanga wati rembererei ndokuti, “Masikati.” Pakaita chinhambo pasina apindura nokuti chero naiye Chipo wacho akanga asina chokwadi chokuti aimhorosa ani pavaviri ava saka hwi rake rakanga riri pasi pasi richiita sokuti anotya kutaura. Nyembesi semunhu aiziva vukama hwakare pakati pevaviri ava namanyawi eane chake akadavira nehwi rine svijinyu rakaperekwa neziso rine hasha. Chaimupa simba rokudavira zvakadai ruremekedzo gwaaipiwa nevanhu semukadzi akawanikwa huye akazvara. Chero zvazvo akanga akagumira mugwaro rechina, aizviona ari nani chose nokuziva kumhugwa kwaiitiwa Chipo nokuva tsikombi. “Masikati” akadavira Nyembesi akabayira rimwe gokora rake pachidzva chaMedias uyo akanga asingachazivivo pokutarira.

Chakanyanya kuti kusangana kwevanhu ava pazvimbo iyi kureme mashoko akanga ataurigwana pakati paChipo naMedias zvimazuva zvishoma zvakanga zvapfuvura pafoni dzavo mumasaisai ewhatsapp. Chipo akanga akumbira nhamba dzaMedias kumunukuna waiye Medias waidzidza pasekondari paaidzidzisa. Zvakanga zviri pachena kuti Chipo akanga ari munhu akanga akasurukigwa chose musi waakatumira Medias mashoko awa, “Hesi Medias. Ndapiwa number dzako naManfred”, asina akapindura ipapo ipapo, ndokupamhazve oti,”Takatukana here sahwira, ndangoti nditsvakevo wekutaura naye masikati ano, asi una madhamu?.” “Sorry ndiri kushaya kuti ndiyani”, dzakauya nhema dzaMedias nokuti nechakare nhamba dzaChipo akanga anadzo huye pakavuya mashoko aChipo pikicha yake yakabva yabuda. Chakamutoresa nguva asina kupindura kwaitova kuperegwa namashoko zvakadoita kuti avhure huro nekugadziridza hwi sokuti zvaaitsvaga zvekunyora aitaura nomuromo. Mhinduro iyi yakagwadza Chipo, akazvivhunza kuti zvichireva here kuti Medias akanga asingazivi nhamba dzake, sezvinohi akanga akambomupa! Chipo haana kupindura, Medias dzokonoko onyumwa kuti shasha yagumbuka ndokuti, “Hesi kani Chipo”. “Kkkkkkk saka azokuudza kuti ndini ndiyani? Uri right?” akapfipfinyika Chipo. “Ndiri right hameno iwe, sei sei basa?” akavhunza Medias.

Apa manhare mbozha akanga achihi mbambamba mativi maviri awa hana dzichipangamura manhanga. Chipo akatanga kuhwa kudziya muviri wose nokuhwa misodzi mumeso ake nechekure kure. Medias paaivavo akanga ongoita sechisekwe mudziva kuti akati nyaaa oti tumbudzuku, akanga asingachahwivo zvakanaka. Hurukuro yakatevera pakati pevaviri ava yakakutidzira moto wakanga wamhova makore akanga apfuvura rikava rimi remoto. Pakutaurirana kwavo, vese vakagutsikana kuti pakati pavo paiva norudo huye kuhwisisana zvakanga zvisingadi kuti zvingorova.

Yakangohosiyiwa yakaremberera apo Medias akahwa shoka dzaNyembesi kuti washara washara achihotora ndiro dzaakanga achidyira sadza sezvo yakanga iri nguva yelunch, ndiko kwaiva kufunga kwaNyembesi kuti sadza radyiwa. Ranga rangonyobvogwa padivi shewe ndokuti nyengu munhaurirano. Zvakashamisa Nyembesi kuti sei chikomba chisina kudya sadza paakavhunza akapindugwa nepasi pasi achivudziwa kuti Medias aiva asingahwi kwazvo, Nyembesi achiona sviziya kumimina akativo ndizvo. Akatora ndiro dzake ndokudzoka nemvura yokumwa achipa murume wake. Ukuwo Chipo achiona munhu angoti zii akabva aziva kuti gondo ramhara shiri dzikati mwanda, kwakanga kwatova kumirira umwe musi. Hurukuro idzi dzakaindirira mberi kwemazuva akapindana akava mwedzi mizhinji huye zvainakidza pakati oevaviri ava zvokuti vakanga voita sepwere chaidzo. Uyu Medias akanga otopota achinyeruka mukadzi wake kuti asasane naChipo pamhepo. Kuna Chipo zvaiva nyore semunhu aigara oga, aingomirira kuti Medias amutange zvobva zvanungana.

Zvino nomusi wokuhosanga kwezvikomba pachiteshi uyu wakanga uri musi wekutanga kwaMedias naChipo kubva zvavakanga vatanga kukodana pawhatsapp. Akanga asiri mahwekwe kusangana pachiteshi uku, Medias ndiye akanga avudza Chipo kuti achainda kudhorobha reMasvingo kunotambira peyi yake nechishanu ichi. Chipo akadavira kuti angangoita vurongwa hwakadai saka akanga atovuya achitarisira kuvonana naMedias asi zvekumuvona ane mukadzi wake ndizvo zvakamugura mongo. Akazvivhunza mivhunzo gumi nefararira inosanganisra kuti Medias akanga achitamba nefungwa dzake here, Nyembesi akanga avona nhaurirano dzavo mufoni yaMedias here, Nyembesi akanga achiziva here zvakanga zvava kuda kuitika pavaviri ava here huye mukuru wekupedzisira Nyembesi aiindavo kuMasvingo here. Nemupfekero waNyembesi Chipo haana kukwanisa kuziva chimiro chaicho akangonamatira nechomumoyo.

Hapana kupera nguva bhazi risati rasvika asi muchinguva chishona ichocho makaita mwaka yose yegore ikapera, mazuva nemavhiki zvikapfuvuravo. Hapana akataura noumwe, uyu Medias aiti akati ziso kuna nyembesi oti akada kuti risvatikire kunaChipo rongogumira mutsoka dzake risina kusvika kuchiso. Chipovo akanga angoti tsiki tsiki pafoni yake achingotarira mifananidzo yaivamo achidzokorodza adzokorodzazve. Nhamo huru yaiva kuna Nyembesi akanga afundumwara asi asingachazivi kuti akafundumwarira Chipo here kana Medias. Akanga ongokwidza madzihwa gusingaperi apa akangozendama chete pachidzva chomurume wake. Zvakanyanya kunetsa Nyembesi ndezvekuti nguva dzekuvhara kwemabhengi dzakanga dzava pedo zvaireva kuti murume wake aigona kunovata kudhorobha ohodzoka chifume. Izvi ndizvo zvakanga zviri muvurongwa kwaChipo naMedias asi Nyembesi akanga ari murima. Chipo akanga achinamata nechomumoyo kuti Nyembesi asavavo achakwira bhazi nokuti mukana uyu wakanga wakamukoshera kupfuura chii zvachose pose rose. Nyembesi aitarisira kuti Medias ataure kudzima runyararo asi Medias hapana chaakataura. Vose vakatura femo pakasvika bhazi ndokusimuka sevarumwa.

Chipo semunhu akanga akamira ndiye akatanga kusvika pamukova webhazi ndokupinda asina kumbochevuka asi zheve dzake dzakanga dzakateya kuhwa zvinotaugwa sure kwake asi hapana kana shoko raakahwa. Mubhazi makanga musina zvamo vanhu vakawanda saka zvigaro zvizhinji zvakanga zvisina vanhu. Akasvikoti vhorokosho pachigaro chevaviri chakanga chisina vanhu ndokuti ruziso kape kumumvuri wanei Nyembesi akamira akapeta mavoko akatarira kwaari, uyu Medias akanga atova pamukova webhazi achikwiridzira zipi yebhurugu rake nogumwe ruvoko gumwe guchizuza kumagadziko. Chipo akahwa chiso chake chichinyevenuka asi ndokurangarira kuti Nyembesi aimuvona ndokunyepedzera kuchisunga zvakare. Vanhu vaiva mubhazi vakaidza kuvona kuti zvakanga zvakamira sei pakati pevatatu ava asi hapana kana umwe akakwanisa kuzvibata. Bhazi rakasimuka noruzha gwokuti vanhu vakangovona miromo yaNyembesi kutamba tamba asi hapana akakwanisa kuhwa zvaakataura. Medias akasvika akagara pana Chipo mabvi achidedera. Mwanasikana haana kutambisa nguva akabva aisa ruvoko muhendibhegi yake achiisa foni yake mukati. Achiti ashame muromo ataure naMedias ndipo pakasvika kondakita achiti , ” Ngatibhadharei bhazi vabereki!”