Tinashe Muchuri Anoseka naMemory Chirere muBhuku Risina Basa

IMG_6855

Bhuku Risina Basa: nekuti rakanyorwa masikati, naMemory Chirere

Venyenguro na Tanashe Muchuri 

Pandakasanganisa meso nemusoro weBhuku Risina Basa: nekuti rakanyorwa masikati, ndakafunga kuripa nguva richikurukura neni kuti ndigozogona kutaura nezvaro.

Chakandibata mufananidzo wepakavha yebhuku yekumberi. Panemabhuku anoratidza kuti ari kutamba achipembera. Bhuku riripamusoro richitaura kuti tasununguka ngatipemberei zvedu nemufaro. Kupembera kunoratidza kuti tichafamba nzendo dzinotisvitsa imwe nguva kunzvimbo dzinogara dzina makore kana kutosvika iko kumakore kwacho. Ndipo panotangira kuseka naMemory.

Tichingoti tibvu mubhuku tinosangana nedetembo rinobata nyaya yekuvaka masango. Memory anoziva kuti zita rake rinofanira kunyorwa mubhuku asi haadi zvakare kuti zita rake risakise kutemwa nekuparara kwamasango. Naizvozvo anotaura nezvekuti:

Ndinotofanira kunyora ndega zita rangu,

ndichisima miti

ndichitsikisa mabhuku

ndichizvara vana!

Bhuku Risina Basa rinoratidza kuti munyori ainyora achiseka pamwe nekunyemwerera. Rimwe nerimwe shoko riri mubhuku iri rinoburitsa kunyemwerera pamwe nekuseka kwanyanduri. Muverengi anogona kufunga kuti munyori uyu anofanira kunge ari mutepfenyuri wenhepfenyuro. Haasi kutaurira muverengi asi kuti ari kukurukura nemuverengi zvinoita kuti bhuku iri rive hurukuro pakati pemunyori nemuverengi isiri inontyisa asi izere nekazwi kanyoronyoro. Tikatora sedetembo:

Kana

Kana usina wekutaura naye,

gogodza ndikuzarurire, titaurirane.

 

Kana usina chokubata,

kumbira-kumbira karema, ndikupe.

 

Kana uine mubvunzo

bvunzaka ndikupindure.

 

Kusvikira riinhiko,

tichiti imvuri ndidzo hama?

 

Iri detembo rinotipa kuseka zvatiri. Kuda kuva mbimbindoga usingashandi nevamwe. Kufunga kuti muupenyu uri wega hauna kana ani zvake waungadawo kuseka naye kana kuturira zvausina kuti akupe izvo. Zvinyoronyoro Chirere ari kupinda nemuverengi muhurukuro inomudzoro pakurarama kusvika iye apinduka pamaitiro. Izvi zvinopa kuti muverengi anyatsowana hurukuro yakakwana anofanira kuverenga Bhuku Risina Basa achinyemwerera nekuti muzwi rimwe. Ndizvo zvandiri kuudzwa nenhetembo idzi uye dziri kunditi usativerenga wakanyarara asi iti kwidzei izwi rako kuti unzwe mutinhimira uri matiri. Zvichida ndiko saka mupepeti webhuku, Ignatius Mabasa akazoti: ‘Memory Chirere haasi ega! Unobva watadza kuziva kuti mune vanhu vangani mukati make. Chiripo ndechekuti Memory Chirere mutinhimira’.

Chirere ane chidobi chekuremekedza mutauro. Mabhuku mazhinji enhetembo dzinonenge dzakangounganidzwa semarara. Kunyanya zhinji dzinoshandiswa nevana vechikoro. Dzakangounganidzwa kunge marara araswa panzvimbo isina kukodzera. Chidobi ichi chinowanikwa mumabhuku aChirikure Chirikure akaita sana saRukuvhute, Chamupupuri naHakurarwi. Chidobi ichi chinokoshesa rimwe nerimwe izwi, mutsara pamwe nendima zvikurukure nemuverengi kusvika agutsikana kuti zvasvika. Mitsara, ndima hazvina kureba zvakafana, izvo zvinoburitsa pachena hunyanzvi hwekusarudza hurukuro dzakasiyana-siyana mukutaura kwedu. Dzimwe hadzidi nguva refu, asi dzimwe dzinoda nguva kuti zvinokurukurwa zviite.

Kuremekedza mutauro waamai kunobva kwanyorerwa detembo rinonzi, ‘Mashoko erimwe benzi’. Kune vaya vanoti mutauro uyu hauna basa nekuti hauwanisi basa uye hauiti kuti utaurwe nevanhu vekune dzimwe nyika. Chinoshamisa ndechekuti kune vekune dzimwe nyika varikuona kukosha kwemutauro uyu vakaita sevekuSweden avo vanopa mari kuburikidza nesangano reCulture Fund of Zimbabwe kuti mabhuku avanyori adhindzwe. Asi zvakadaro unonzwa varidzi vawo vachiushora. Kunyange zvazvo Bumbiro Idzva remutemo reZimbabwe richisimbisa nyaya yekushandiswa nekudzidziswa kwendimi dzinosvika gumi nenhanhatu, asizve kunyorwa kwandimi idzi kunenge kusati kwanyanyokosheswa nekuti parizvino hapasati pava nemari inokurudzira vanyori kunyora nendimi dzavo idzi.

Mashoko erimwewo benzi

(Kuna Ignatius Mabasa)

 

Wenyu mutauro

handitaure amai

nekuti mutauro werima.

Ko, une Sumsung, Peugeot neBenz here?

Uneiko chingaupembedze?

Wenyu mutauro kasipiti

kebveni rimwe chete, amai.

 Unotaurwa kuJoburg, Rome kana Chicago?

Unotaurwa pedu pano chete, amai.

Wenyu mutauro une nhapwa.

Une mizinda here, amai?

Unonamatwawo naniko nhasi? 

Chirere anonzwira mai tsitsi kuti mutauro wavakapa kuvana vavo hauna unoda kuutaura zvine unyanzvi. Vana vamai varikutiza mutauro wamai vachindoshandisa yevamwe. Nepo ari kuseka nemuverengi kuti unorevesa kuti wava kutosiya mutauro unokosha kudai unokosheswa navatorwa uchimhanyira kumitauro wevatorwa. Une chokwadi? 

Amai, ndinokunzwirai tsitsi.

Muri karuva kakaswinywa

Nemazinzara ebveni

Kasati kavhavharika, amai! 

Kunyange vana vamai Vachitiza mutauro wavo, Chirere anoudza mai kuti vasaora moyo. Unovakurudzira kuti vape vana vamai vakaita saiye kuti avandudze mutauro wamai kuti pose apo paachanzwikwa achitaura navo vanhu vanoyemura vachiti, vauya vaya vekutaura mutauro neunyanzvi. Detembo iri rinoratidza kuti hatisati tagumirwa zvachose nekuti variyo vanoona kukosha kwekutaura nemutauro wedu. Ndiko saka achiti kuna amai; 

Tipei mutauro uyu tiuwedzere mweya

Kuti kana toutaura zvinzi: ndivo vaye-vaye!

Pane iyo yakanyorerweni inonzi ‘Tine Urombo’. Iyi inondinakidza kuti munguva zhinji patinosangana tinochema nekusagona kubata nguva. Ihwo hurombo hwatinahwo hwekusagona kubata nguva pamagungano edu, hurongwa hwedu, mumabasa edu, mudzikereke mumabhizimisi nepapi pose zvapo patiri. Kusagona kushandisa nguva ikoku ndiko kunosakisa kuti Chirere ati:

Tine hurombo nehurombo.

Hapanazve chimwe.

Tingori nehurombo chete. 

Chii chimwe chingawanikwa navanhu vasingakoshesi nguva kunze kweurombo? Chii chimwe chingawanikwa navanhu vasingagoni kushandisa nguva kunze kwehurombo? Muverengi anobva atanga kuseka naMemory pose apo anenge atadza kubata nguva. Kusabata nguva kunoreva kudzosera zvinhu shure.

Bhuku Risina Basa rinoratidza basa raro apo rinopinda muhupenyu hwemunhu wese panzvimbo dzakasiyana-siyana. Ibhuku rekuti uchiverenga unenge uchiona zvauri kuverenga semubhaisikopo. Rinopa muverengi mibvunzo nemhinduro nguva imwe chete.

Mavanga, idetembo rinopa munhu kuzvibvunza zvinyoronyoro kuti ko ndiri kuitei neupenyu hwangu. Hanzi:

Ukaita tsika yekuverenga mavanga:

Makuru pawo

Madiki pawo

Emhezi pawo

Ekuzvitema pawo

Ekurumwa pawo

Uchasara nei?

Unobva waseka zveshuwa kuti uchasara nei chokwadi? Unosara nei kunze kwemarwadzo, ruvengo, mbengo, nekushushikana. Bhuku Risina Basa rine kurapa kwarinoita kuya kunonzi muchirungu therapy . Rinopfuurira mberi richipa kurudziro yekutarisa ramangwana kwete kuramba uchakwengana nazuro. Kunyora kurapa. Chirere ndichiremba. Kuseka kunokurudzirwa navarapi senzira inowedzerwa hutano pamwe nemakore ehupenyu hwemunhu anoseka. Chirere ari kuita zvimwezvo nekuseka nemuverengi.

Panovhara muverengi Bhuku Risina Basa anobva asanga naChirere pachake achinyemwerera. Kana ukasaseka wakatarira munyori akanyora Bhuku Risina Basa: nekuti rakanyorwa masikati ungazosekeizve nekuti mufananidzo wekuseri kwebhuku uri kukukumbira kuti huya tiseke tese.

Asi kuseka kuri munhetembo idzi kunobva kwadudzira hupenyu hwavanhu munyika. Tine nyaya dzatinotaura masikati zviya tichishanda mumahofisi, muminda, mumigodhi, mumigwagwa kana tiine vatinosekedzana navo. Nyaya dzatinotaura sedzisina zvadzo basa. Kubva madziri ndimo makakokotwa hukoshiwa hwakadai naChirere. Vanhu munenge muchingoti tiri kuseka naMemory nyamba iye zvake ari kutotora zvakakosha zvekuseka kwenyu kuti abude nebhuku rakakosha kudai.

Bhuku Risina Basa rakanyorwa nemutauro wakareruka zvokuti haridi kuti unge uri munhu akamboita, madimikira, tsumo nenyaudzosingwi kuti ugone kuri verenga. Zviya zvemadzemura shaya kana kamwe zvako. Izvi zvinobva zvaratidza chido chaChirere chekuti anodisa chose kuti vaverengi vake vasazoti apa munyori andinzvenga.

Kuseka kuri munhetembo imwe neimwe kunoita kuti muverengi aone kuti sei zita rebhuku richinzi Bhuku Risina Basa: nokuti rakanyorwa masikati. Nguva yatinosangana navanhu vazhinji vasiri shamwari dzedu tichiseka navo mumabasa pamwe nemuhupenyu, masikati. Chihwerure hachiendi kumba asika Chirere akatora kuseka ikoko akakupa upenyu ndokufuridzira mweya unopa rarama kubhuku iri pamwe nemutauro wamai. Tava kuona kutapira kwemutauro wamai  nekuda kwekuseka kwedu naMemory. Kushandisa ndangariro dzake dzezvaaiona mukusangana navanhu masikati kwatipa kuseka. ‘Sekaiwo nezvakandisetsa’, ndiko kureva kwaChirere mubhuku iri. Mukuseka ndimo munobuda nyaya huru-huru dzinotonga nyika, dzinogadzira nyika, dzinoputsa nyika, dzinovaka nyika kubva mumavanga.

chirereMemory Chirere mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe Department of English. Anofadzwa nekunyora kwaCharles Mungoshi, Luís Bernardo Honwana pamwe naErnest Hemingway. Bhuku Risina Basa: Nekuti Rakanyorwa Masikati ndiro bhuku rake rechishanu kusanganisira mamwe anoti Roger’s Revenge, Tudikidiki, Somewhere in This Country, Toriro and His Goats. Anewo zvinyorwa zvake zviri mumabhuku ane chitsama enyaya pfupi pamwe nenhetembo dzinova idzo dzakavhura unyanzvi hwake muna Tipeiwo Dariro.

  2 comments for “Tinashe Muchuri Anoseka naMemory Chirere muBhuku Risina Basa

Leave a Reply