Nhetembo dzaPeter Muzira

JONGWE

Chakati zvino chobvunza mutupo.

Miti dzave huni.

Dunhu rafuka iro jena.

Mazino okuyana sesimbi dzaMakiwa.

Nhume yadzo akava Jongwe.

 

Nhai Jongwe iwe-e-e!, ndiHanga uyu.

Handichaui ko-o-o!, ndi Jongwewo uyu.

Nezwi riri pasi achinonga tsanga dzechibage;

Pano hugaro kaka dumbu sengoma.

Hurema kunokacha shomwe.

 

Nhai Jongwe iwe-e-e!, ndi Horwe uyu wo.

Ndati handichauyi ko-o-o!, ndiJongwe pakare.

Nezwi riri mundebvu achinonga tsanga dzezviyo;

Chawawana pfumbata, vashakabvu havakandi ruviri.

Pano hubva nerwaNyadenga.

May 9, 2013

 

 

HADYANA

Mwari, kana muri imi makandipa upenyu uhu,

Bva murisatani chisina moyo.

Chokwadi, kuzvarirwa gehena, ini Hadyana.

Sendakaita chivi ndiri muchibereko.

Riri zuva ripi rinopfuura ndisina kubvuraudzwa.

Kubva pahucheche, upenyu hwangu igarira neko.

Uku magaro anotsva uku mugoti unorakasha matadza.

Kukanga manyautsa mukanwa andisingawani kana muto.

Mwari itayi moyo wehumwari,

Mundipewo nduramo isina marwadzo pano pasi.

August 25, 2013

 

 

MUNYAI

Ndiri sahwira asi wandiita munyai.

Moyo wangu unofara wawana rumbabvu sahwira.

Chikuru rangarira,

Munyai mukuri wenzira,

Mufambi wayo ndiwe.

Munyai mumwai wemvura mudariro,

Mutambi weshangara ndiwe.

Munyai mukaki wengoma,

Murovi wayo ndiwe.

Munyai mutsvaki wepasina zvikwenzi,

Mutambi wehorikotyo ndiwe.

Munyai muvaki wedumba,

Mugari waro ndiwe.

Munyai ndimucheki,

Murimi wegombo ndiwe.

Munyai mutumwa,

Muridzi wesoko ndiwe.

Ini ndasakura ndikazunza,

Kukohwa kwasarira iwe.

November 20, 2013.

 

MUKOMA

Wachiti gude mune rekwaMupfiganebwe.

Ivhu kuno roundura hukwana dzako.

Rinoti hamuzivi ziya iropa?

Mukoma wakaita mudhende wadenhera gwavava.

 

Worara hako dzisingapepukwi.

Ivhu kuno rokanga mhutwa dzako.

Rinoti zvakauya sei kuchohonya rawakamwa?

Hona yave mangachena mukoma.

 

Wachiti zi-i urikunyikadzimu.

Ivhu kuno rosundira mbudzi dzako kumapere.

Rinoti, shoko haritongi mhosva here?

Tarisa wasikira mhuri moto muziso mukoma.

January 24, 2014

 

HURUKURO NATENZI

Neinzwi nyoro, makandidana.

Nemoyo unobvuma, handina kukakavara.

Zvino ndapfugama pamberi penyu.

Ndamirira mutongo wenyu.

 

Nguva yako panyika yakwana mambakuyedza.

Hongu kukakavara hauna pandakudana.

Asi meso ako azere kupunyaira.

Chema ndinzwe zvirikudya moyo wako.

 

Handirambi kugara kuno.

Imba yangu ndinoiwona yapera kuvakwa.

Ko nyn’ana randasiya risina kana gushe?

Honai richiri kubomha ropa, origezesa ndiyani?

Roshama, kutsvaka mukaka, ini kuno mazamuorwadza nekusisa.

Kugomera nemabayo, kuchema kutsvaka rudziira rwamai.

Roita serutsanga murwizi, chando chapinda pamongo.

Chikumbiro Tenzi, zvimazuva ndimbonorisvusvudzira.

 

Chandasunga pasi, nekuno chasungwa.

Usachema mhuru iyi murandakadzi,

Rangarira kurarama kweshiri dzedenga.

Imba yako iyo, chigaramo, uture mutoro pafudzi rangu.

Chitarisa kwandiri, nekuti ndini munyaradzi, ndini muchengeti.

April 1, 2014

  6 comments for “Nhetembo dzaPeter Muzira

Leave a Reply